Isaya 59 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Zvitadzo zvakatsiurwa nomuporofita

1“Teerera unzwe,

ruoko rwaTenzi

runoponesa;

haruna kupera simba,

zvokuti haachagona kuponesa

nzevewo dzake

dzinonzwa

hadzina kudzivira.

2Asi kutoti uipi hwenyu

ndihwo hwakakuparadzanisai naMwari wenyu,

zvivi zvenyu zvikavanza

uso hwake kwamuri

zvokuti haachambokunzwai,

3nokuti maoko enyu

akasvibiswa neropa,

uye minwe yenyu nezvakaipa,

uye miromo yenyu nokureva nhema,

rurimi rwenyu runotaura zvakaipa.

4“Hapana anokwirira mumwe kumatare

mhosva chaiyo yechokwadi,

hapana anonyatsotevedza

zviri pamurao.

Vanovimba netwaanotaura

tusina maturo

vachireva nhema zvavo.

Vanodyara misikanzwa

vachizokohwa zvakaipa.

5Vanochechenya mazai echiva,

vanoruka dandadzi,

anodya mazai azvo, anofa,

rinenge rangochochonywa chete,

munobva mabuda mvumbi.

6Madandadzi avo iwayo

haangamboshandiswa sembatya,

vanhu havangambopfeka

zvinenge zvarukwa nawo.

Twavanobata ivo

tunhu twouipi chete,

mabasa avanobata namaoko avo

ndeoutsinye.

7Zvakaipa ndozvavanomhanyirira,

vanofatira kudeura ropa

ravanhu vasina mhosva.

Uipi ndohwavanoswerofunga,

migwagwa yavo mikuru

vanosiya yangove

matongo noumharadzi.

8Chinonzi rugare havachizive,

maitiro avo haana ruenzaniso,

mafambiro avo akakombama,

anodimura nemariri rugare haamborunhuwa.

Vanhu vakareurura vachiti

9“Heya ndokusaka ruenzaniso

rwava kure kwazvo nesu kudai

ururami uhu hatichambohunhuhwa.

Patinotarisira kuwana mwenje

tinongowana hero rima,

pototi tiwanewo chiedza

ndopatava kufamba muzarima.

10Tinotsvanzvadzira madziro

samapofu tichiputaira savanhu vasina maziso.

Tinodzadzarika masikati machena

sokunge manheru,

pakati pavanhu chaivo vakasvika,

isu tinenge zvitunha.

11Tose tinobongomora sezvitsere,

tinouura nokuura senjiva

tichitarisirawo kuwana ruenzaniso

asi ruenzaniso hapana

tichitarisirawo ruponeso

asi ruri kure kwazvo nesu.

12“Nokuti zvatakanganisa pamberi penyu zvawanda,

kutadza kwedu tinokuziva,

nokuti zvatakakutadzirai

tinazvo mumwoyo,

mhosva dzedu tinodziziva.

13Ndedzidzi dzinoti:

kukukanganisirai,

nokukurambai imi Tenzi,

nokukupai gotsi kwatinoita

tichifuratirai imi Mwari wedu

nenyaya dzoutsinye

kudyara mhodzi youmhandupandu,

mumwoyo'mu,

dziri nyaya dzemakuhwa.

14Ruenzaniso

runonzi kure narwo,

ururami hwava kumirira kure nesu

nokuti chokwadi,

pamatare, hapasisina,

kutendeka kwapata.

15Hapana kwaunowana chokwadi

anenge angoti

regai ndisiyane nouipi

ndiye anobva atopinda mupfumvu.”

Tenzi akazviona

uye hazvina kumufadza

kuti hapana ruenzaniso.

16Akaona kuti pakanga pasina kana munhu zvake,

akashamiswa kuti

pakanga pasina angarandutsire.

Ipapo simba roruoko rwake

rakamuwanisa kukunda,

ururami hwake

huchimutsigira.

17Akapfeka ururami

demautare rokuzvidzivirira naro muhondo

noruponeso senguwani yesimbi,

akapfeka kutsividza

sehanzu dzokupfeka

akazviputira nehasha

somunhu afuka jira.

18Achavatsividza

maererano nezvavakaita

mhandu dzake

achidzionesa hasha,

vavengi vake

achivatsividza.

Nyika dzokumahombekome kwegungwa

achadzitsividza.

19Naizvozvo vachatya zita raMwari

kubva kumadokero,

iyo mbiri yaMwari

kubva kumabvazuva

nokuti achauya

sakakova kazere

kanenge kachitututswa

nemhepo yaTenzi.

20“Achauya kuZioni soMununuri,

kune vokwaJakobho

vanenge vadzoka

vasiyana nezvitadzo,

ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”

21Tenzi anoti, “Kana ndirini, chitenderano changu navo ndechichi chokuti, Mweya wangu uri pauri namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvifaniri kumbobva pamuromo pako uye hazvifaniri kubva pamuromo pavana vako kana pamuromo pavana vavana vako kubvira zvino kusvikira narini wose,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help