Nziyo 7 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwokuchema kuna Mwari.Rwiyo rwaDhavhidhi rweShigayoni rwaakaimba kuna TENZI pamusana paKushi muBhenjamini.Kuungudza kwaDhavhidhi kwaakaita kuna TENZI nezvaKushi wedzinza rokwaBhenjamini.

1TENZI Mwari wangu, mamuri ndimo mandinopotera.

Ndiponeseiwo kune vanondironda mundinunure,

2vangadaro vakandibvambura-bvambura seshumba

vakandizvuzvurudza pasina anondinunura.

3TENZI Mwari wangu kana pane chandakaita,

kana ndakabata chakaipa namaoko angu,

4kana ndakadzorera mumwe wangu nechakaipa

kana kupamba mhandu yangu pasina chikonzero,

5muvengi ngaandironde andibate

atsokodzere zvake upenyu hwangu muvhu

anditi rabada muhuruva.

Dzepfunde

6Simukai TENZI nehasha dzenyu;

zvisimudzei murwise

vavengi vangu vane hasha.

Mukai Mwari wangu,

ndimi makatema wani kuti pave neruenzaniso.

7Gungano ramarudzi avanhu ngarikuunganirei.

Imi pamusoro pegungano iroro mugare

pachigaro chenyu chapamusoro.

8TENZI ndiye anotonga marudzi avanhu.

TENZI ratidzai kuti ndakarurama

uye kuti ndiri pachokwadi.

9Uipi hwavakaipa ngaupere,

asi vakarurama vabudirire,

imi munoedza pfungwa nomwoyo yavanhu,

imi Mwari akarurama.

10Mwari ndiye nhoo yangu

anonunura vano mwoyo yakarurama.

11Mwari mutongi akarurama;

pane mhosva anoti pane mhosva mazuva ose.

12Kana munhu akasapinduka,

Mwari anorodza bakatwa rake

anotatamura nokukunga uta hwake,

13anogadzirira zvombo zvake zvinouraya

agoita kuti miseve yake ive moto moto.

14Wakaipa anofunga zvakaipa

agoti shutu kuzara nomusikanzwa

ozoburitsa nhema.

15Anochera hunza, woifonon'ona

ozowira mugomba raachera iroro.

16Musikanzwa wake unomupfukira

utsinye hwake hunomukoromokera.

17Ndinotenda TENZI noruenzaniso rwake.

Ndicharumbidza zita raTENZI Wokumusorosoro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help