Jeremiya 4 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Pindukai vanhuwee, pindukirai kuna Mwari

1Zvanzi naTenzi

“Iwe Isiraeri kana wafunga zvokudzoka,

kwandiri ndokwaunofanira kudzokera.

Kana ukabvisa pandiri pangu zvinondisemesa izvi

usingaite mwoyo miviri

2uye kana ukapika uchiti,

‘NaTenzi chaiye mupenyu’

uchipika pachokwadi zviri pamwero chaipo

zviri mukururama, ndudzi dzavanhu

ndopadzichazviwanira zvikomborero pamusana pako;

vachiwana mbiri pamusana pako.”

3Nokuti zvanzi naTenzi

kuvanhu vokwaJudha nokuvagari veJerusaremu,

“Rimai minda yenyu yakasaruka

murege kudyara muminzwa.

4Zvidzingisirei Tenzi imi vanhu vokwaJudha

nemi vagari veJerusaremu.

Pakudzingiswa ikoko, chinobviswa chacho,

ngachibviswe mumwoyo menyu,

ndingadaro ndikakuvirukirai nehasha

kunge moto unopisa usina ani angaudzimure

pamusana pezvakaipa zvamunoita.”

Hokoyoi vokwaJudha hondo youya

5Paridzai maJudha'mu muzivise muJerusaremu muti,

“Ridzai mabhosvo nomunyika mose

mudaidzire kwazvo muchiti,

‘Unganai tiende tindopinda mumaguta etsvingo!’

6Simudzai mureza munange kuZioni

tizai mundopotera, regai kugara,

nokuti ndiri kuunza nhamo inobva kuchamhembe

nokuparadza kwakakura kwazvo.

7Shumba yabuda mumajokochwa mayo;

muparadzi wamarudzi avanhu abuda,

asimuka achibva kwake,

kuzoparadza nyika yako,

maguta ako achava matongo,

asisina anogaramo.

8Ipapo iwe chipfeka masaga

uungudze ucheme nokuti Tenzi haana kurega

kutivirukira kwazvo nehasha.”

9Zvanzi naTenzi, “Nomusi iwoyo, mambo namachinda vose zvavo vachapererwa nechivindi, vapristi vachadumbirwa nazvo vaporofitawo zvichivaomesa mate mukanwa.”

10Ini ndokuteterera ndichiti, “Ho baba iwe, nhai Tenzi Mwari, inga marega vanhu ava neJerusaremu iyi vachinyatsonyengedzwa vachinzi, ‘Zvichakunakirai,’ ihwo upenyu hwavo hwatova parumano nehondo yebakatwa.”

11Panguva iyoyo zvichazonzi kuvanhu ivava uye kuJerusaremu, heyo mhepo inopisa inobva kumatunhu akatunhumara kugwenga ichivinga mwanasikana iyeyu, vanhu vangu kwete mhepo yokuurutsisa kana kuchenesa,

12mhepo ine simba kwazvo kwazvo yandinotuma ini. Iye zvino izvi ndini ndava kuvatemera chirango.

Kukombwa kwenyika yokwaJudha navavengi

13Tarira uone, vouya samakore,

hedzo ngoro dzake dzehondo sechamupupuri

mabhiza ake, anomhanya anosara pasi.

Tawira iwe, taparara!

14Iwe Jerusaremu

shamba zvakaipa zvemwoyo wako kuti uponeswewo.

Kusvikira rini chaizvo pfungwa dzouipi idzi dzakagara mauri?

15Nokuti kwaDhani kwabva shoko riri kuparidza,

riri kuparidza nhamo iri kubva kuGomo rokwaEfuremu.

16Yambira marudzi avanhu kuti ava kuuya,

muzivise Jerusaremu kuti,

kuri kuuyiwa navakombi vamaguta

vanobva kunyika iri kure.

Vari kudaidzira kumaguta okwaJudha.

17Tenzi ari kuti vakomberana Judha

savanhu vanochengetedza munda

nokuti akandipandukira.

18Nzira dzako namaitiro ako

ndozvakupfukira, ndokupera kwako ikoku.

Zvinorwadza zvakusvika pamwoyo chaipo.

Muporofita Jeremiya anochema vanhu vokwake

19Maiwe, maiwe,

ndinobinduka nokurwadziwa, mwoyo wangu maiwe,

mwoyo wangu uri kurova zvakanyanya.

Handikwanisi kunyarara

nokuti ndiri kunzwa kurira kwamabhosvo,

iri yambiro yehondo.

20Nhamo dzavirikidzana zvakaomarara,

nyika yose yaparadzwa, misasa yangu yematendhe

yangoerekana yaparara

machira angu okudzikatirisa

aparara nenguva isipi.

21Kusvikira riniko ndichingoona mureza uyu

ndichingonzwa kurira kwamabhosvo

22nokuti, “Vanhu vangu mazungairwa,

ini handivazivi, mazirema evana, havanzwisisi.

Vanochamirira kuita zvakaipa

asi kuita zvakanaka havamboziva.”

Chiratidzo chokuparadza chakaonekwa naJeremiya

23Ndakatarisa panyika,

ndikaona paparara, pasisina chiripo.

Ndakatarisa kudenga, ndikaona kusina chiedza

24Ndakatarisa makomo,

ndikaona achindengendeka,

zvikomo zvose zvichivheya uko nokoko.

25Ndakatarisa ndikaona pasina kana munhu,

kunyange shiri dzose dzedenga dzakanga dzatiza.

26Ndakatarisa, onei, nyika yaibereka zvibereko zvayo

yangove gwenga,

maguta ayo ose angove matongo

pamberi paTenzi uye nehasha dzake.

27Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi,

nyika yose ichaparara,

asi handisi kuzoiparadza zvachose.

28Nyika ichachema nokuda kwaizvozvo,

denga kumusoro uko, richasviba

nokuti ndizvo zvandatema, ndozvandada.

Handimboteti kana kudzokera shure.

29Pavanongonzwa mutsindo wamabhiza neyevemiseve,

guta rose, munhu anobva angoti gumbo ndibereke,

zvobva zvongoti runopinda mumajokochwa

norunokwira mumatombo,

maguta ose anosara angova maguta chete

asina munhu anogaramo.

30Zvino iwe Mushayavanhu,

chaunobangopfekera hanzu tsvuku chii?

Zvaunobva watozviti memete nezvishongo

zvendarama kudai uye kutokudza-kudza meso ako nependi.

Chaunozvishongedzera chaizvo hapana,

zvikomba zvako izvozvo zvinokuzvidza.

Chavanenge vachitotsvaga kukuuraya

31nokuti ndakanzwa kuchema

kunenge kwomukadzi arwadzwa napamuviri

kurwadzwa sokwemukadzi

ari pakusununguka mwana wokutanga.

Mhere yeJerusaremu, mukunda weZioni

achitofemuruka achitambanudza maoko ake

achiti, “Maiwe zvangu!

Ndava kutofizuka zvangu pameso pemhondi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help