1Zvino Tenzi akazopindura Jobhu mukati medutu remhepo achiti,
2“Ndianikowo zvake iyeyu
anopinza zano murima
nokutaura kwake kusina ruzivo,
3chipfeka zvino uite somurume
ndikubvunze, iwe unditaurire.
Kusikwa kwapasi4“Wakanga uri kupi iwe
pandaidzika ugaro hwenyika?
Taura zvako kana uchinzwisisa.
5Ndiani akaisa miganhu yayo
nokuti unozivaka iwe?
Kana kuti ndiani akaiera netambo?
6Ugaro hwayo hwakadzikwa pai,
ndiani akaisa dombo rapakona,
7Nyenyedzi dzemambakwedza
padzakaimba pamwechete
vana vaMwari pavakapururudza norufaro?
Kusikwa kwegungwa8“Ndiani akazarira gungwa nemakonhi,
parakanga richangobva mukuberekwa?
9Pandakaita kuti makore ave hanzu dzaro
nerima rakati kwirindindi kuti riiputire
10ndikariisira miganhu
nezvihuri nemakonhi
11ndikati, ‘Apa ndipo paunogumira
kwete kupfuura ipapa
uye kuti masaisai ako anozvitutumadza
ndipo paanomirira.’
Kusikwa kwesiku nesikati12“Wati wamboti mangwanani avepo here
kubvira nokubvira kwoupenyu hwako
nokupa mambakwedza chinzvimbo chawo,
13asvike kuti abate kwakaperera nyika
vakaipa vazunzwemo
14achiasandura kuva matsvuku
sekutsvukisa kunoita chidhindo pamunyakwe
ichipindurwa ruvara sehanzu?
15Vakaipa vanobva vambotorerwa mwenje wavo
simba ramaoko avo richimbomiswa.
Zvishamiso zvenyika nedenga16“Wati wambopinda here muzvisipiti zvegungwa,
kana kufambawo zvako muhwenje hwakadzama?
17Wati wambozarurirwa here misuo yorufu
kana kuona makonhi okurima rakati ndoo?
18Unonyatsozivisisa here iwe upamhi hwenyika?
Nditaurire kana uchiziva.
Chiedza nerima19“Nzira inoenda kumusha wechiedza ndeipi
nokunogara rima ndokupi?
20Waigonaka kutondozviisa kunzvimbo yazvo,
unozivaka iwe nzira yokumusha kwazvo.
21Unoziva iwe nokuti ipapo wakanga watoberekwa,
nokuti nguva youpenyu hwako yakareba.
Chivhuramahwe nechando22“Wakambopinda here mudura ramazaya echando,
kana kudura rechivhuramahwe,
23zvandakachengetera nguva yokunge zvinhu zvaipa,
nguva yehondo nokurwa?
24Unoziva here nzira inopararaniswa nayo chiedza
uye kuti mhepo yokumabvazuva inoparadzirwa sei panyika.
25Ndiani akachera migero yemvura yamapopopo,
napanofamba namabhanan'ana?
26Achinaisa mvura panyika isina ari kugarapo,
mugwenga musina munhu.
27Achinyorovesa renje zvaro rakaoma
achiita kuti ivhu rimere uswa
28mvura inonaya ina baba here,
ndiani akabereka madonhwe edova?
29Mazaya echando akabva mumimba maani?
Ndiani akabereka chando chinochena chedenga?
30Mvura inogwamba kuita sedombo
pamusoro pehwenje hwegungwa panogwamba.
Nyenyedzi namakore nemhute31“Unogona here iwe kusunga tambo
dzenyenyedzi dzechinyamutanhatu,
kana kusunungura tambo dzenyenyedzi dzechinyamutatu?
32Unogona here kutungamirira
boka renyenyedzi nemakwara aro?
Ungatungamirire hweva navana vayo here?
33Unoziva here mitemo yamatenga,
ungadzike here mitemo yawo panyika?
34Ungadaidzire here kumakor?
uchiaudza kuti mvura zhinji ikufukidze.
35Unogona here kutumira mheni kuti dziende,
idzo dzichiti tiri pano?
36Ndiani akaisa ungwaru mumakore
kana kupa kunzwisisa kumhute?
37Ndiani nenjere dzake angaverenge makore
kana angarereke maguchu iwayo amatenga?
38Nyika ichibva yanyongodeka
kuva chinhu chimwechete
madhaka achikurumidza kubatana.
Zvishamiso zvemhuka dzesango.
Shumba nerukodzi39“Ungavhimire here mhuka, shumba,
kana kugutsa nhomba yeshumba dzechidiki?
40Padzinoti hwatata mumapako adzo
kana padzinovanda muuswa.
41Ndiani anopa rukodzi nyama
vana varwo pavanochemera kuna Mwari
vachidzungaira pamusana pokushaya chokudya?”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.