Jobhu 38 - Shona Common Language Bible(SCLB)

IV: MHINDURO YATENZI KUNA JOBHUMhinduro yaTenzi yokutanga

1Zvino Tenzi akazopindura Jobhu mukati medutu remhepo achiti,

2“Ndianikowo zvake iyeyu

anopinza zano murima

nokutaura kwake kusina ruzivo,

3chipfeka zvino uite somurume

ndikubvunze, iwe unditaurire.

Kusikwa kwapasi

4“Wakanga uri kupi iwe

pandaidzika ugaro hwenyika?

Taura zvako kana uchinzwisisa.

5Ndiani akaisa miganhu yayo

nokuti unozivaka iwe?

Kana kuti ndiani akaiera netambo?

6Ugaro hwayo hwakadzikwa pai,

ndiani akaisa dombo rapakona,

7Nyenyedzi dzemambakwedza

padzakaimba pamwechete

vana vaMwari pavakapururudza norufaro?

Kusikwa kwegungwa

8“Ndiani akazarira gungwa nemakonhi,

parakanga richangobva mukuberekwa?

9Pandakaita kuti makore ave hanzu dzaro

nerima rakati kwirindindi kuti riiputire

10ndikariisira miganhu

nezvihuri nemakonhi

11ndikati, ‘Apa ndipo paunogumira

kwete kupfuura ipapa

uye kuti masaisai ako anozvitutumadza

ndipo paanomirira.’

Kusikwa kwesiku nesikati

12“Wati wamboti mangwanani avepo here

kubvira nokubvira kwoupenyu hwako

nokupa mambakwedza chinzvimbo chawo,

13asvike kuti abate kwakaperera nyika

vakaipa vazunzwemo

14achiasandura kuva matsvuku

sekutsvukisa kunoita chidhindo pamunyakwe

ichipindurwa ruvara sehanzu?

15Vakaipa vanobva vambotorerwa mwenje wavo

simba ramaoko avo richimbomiswa.

Zvishamiso zvenyika nedenga

16“Wati wambopinda here muzvisipiti zvegungwa,

kana kufambawo zvako muhwenje hwakadzama?

17Wati wambozarurirwa here misuo yorufu

kana kuona makonhi okurima rakati ndoo?

18Unonyatsozivisisa here iwe upamhi hwenyika?

Nditaurire kana uchiziva.

Chiedza nerima

19“Nzira inoenda kumusha wechiedza ndeipi

nokunogara rima ndokupi?

20Waigonaka kutondozviisa kunzvimbo yazvo,

unozivaka iwe nzira yokumusha kwazvo.

21Unoziva iwe nokuti ipapo wakanga watoberekwa,

nokuti nguva youpenyu hwako yakareba.

Chivhuramahwe nechando

22“Wakambopinda here mudura ramazaya echando,

kana kudura rechivhuramahwe,

23zvandakachengetera nguva yokunge zvinhu zvaipa,

nguva yehondo nokurwa?

24Unoziva here nzira inopararaniswa nayo chiedza

uye kuti mhepo yokumabvazuva inoparadzirwa sei panyika.

25Ndiani akachera migero yemvura yamapopopo,

napanofamba namabhanan'ana?

26Achinaisa mvura panyika isina ari kugarapo,

mugwenga musina munhu.

27Achinyorovesa renje zvaro rakaoma

achiita kuti ivhu rimere uswa

28mvura inonaya ina baba here,

ndiani akabereka madonhwe edova?

29Mazaya echando akabva mumimba maani?

Ndiani akabereka chando chinochena chedenga?

30Mvura inogwamba kuita sedombo

pamusoro pehwenje hwegungwa panogwamba.

Nyenyedzi namakore nemhute

31“Unogona here iwe kusunga tambo

dzenyenyedzi dzechinyamutanhatu,

kana kusunungura tambo dzenyenyedzi dzechinyamutatu?

32Unogona here kutungamirira

boka renyenyedzi nemakwara aro?

Ungatungamirire hweva navana vayo here?

33Unoziva here mitemo yamatenga,

ungadzike here mitemo yawo panyika?

34Ungadaidzire here kumakor?

uchiaudza kuti mvura zhinji ikufukidze.

35Unogona here kutumira mheni kuti dziende,

idzo dzichiti tiri pano?

36Ndiani akaisa ungwaru mumakore

kana kupa kunzwisisa kumhute?

37Ndiani nenjere dzake angaverenge makore

kana angarereke maguchu iwayo amatenga?

38Nyika ichibva yanyongodeka

kuva chinhu chimwechete

madhaka achikurumidza kubatana.

Zvishamiso zvemhuka dzesango.

Shumba nerukodzi

39“Ungavhimire here mhuka, shumba,

kana kugutsa nhomba yeshumba dzechidiki?

40Padzinoti hwatata mumapako adzo

kana padzinovanda muuswa.

41Ndiani anopa rukodzi nyama

vana varwo pavanochemera kuna Mwari

vachidzungaira pamusana pokushaya chokudya?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help