Isaya 58 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kutsanya kwapachokwadi

1“Taurisa,

usamborega zvako

daidzira nezwi sebhosvo

uparidze kuvanhu vangu

kukanganisa kwavo

utaurire vemba yaJakobho

zvitadzo zvavo.

2Kunyange zvavo vachinditsvaga,

vachinditsvaga zuva nezuva,

vachidisisa kuziva makwara angu

sokunge rudzi rwavanhu

vanoita zvakarurama

uye vasina kukanda pasi

murao weni Mwari wavo;

vanotodawo kuti ndivape

mitemo yakarurama

vachidisisa kwazvo

kuuya padyo neni Mwari

3Vanoti, ‘Chatinotsanyira chii,

imi musingazvioni?

Chii chaizvo chatinoitira

zvinhu zvokuzviramba,

imi musingamboita hanya nazvo?’

Tarisai muone,

musi wokutsanya kwenyu

munotozvitsvagira

zvokuzvifadza nazvo

muchionesa ndondo

vose vanokushandirai.

4Kutsanya, hongu munotsanya,

asi uku muchipopota nokurwa

nokurova vamwe nezvibhakera.

Kutsanya sokwenyu uku nhasi uno

hakuite kuti zvichemo zvenyu

zvinzwike kuna wokumusoro.

5Ikoku ndokutsanya

kwandinoda here,

musi wokuti munhu azvirereke?

Kungorerekedza musoro pasi

senhokwe here,

kana kutora masaga nedota

ozviita ndozvokuwarira?

Ndokwamungati kutsanya ikoku

uye kuti ndozuva

rinofadza Mwari iroro?

6“Ko kutsanya kwandinoda

hakusi uku here kwokusunungura majoto ouipi

nokukurura zvitirobho zvejoko

nokusunungura vanenge vachidzvinyirirwa

vagoenda zvavo nokutyorawo joko

rose rose zvaro?

7“Hakusi here

kugoverana chokudya chako

neane nzara

nokupinza mumba mako

varombo vanongodzungaira nenyika,

ukaona asina chokupfeka

uchimupawo chokupfeka

usinganzvengi kuyamura

hama yako?

8“Ipapo chiedza chako

ndopachichanyatsochena

samambakwedza,

wobva wazokasika kurapwa.

Ururami hwako ihwohwo

huchazokutungamirira,

uchiperekedzwa mushure

nembiri yaTenzi.

9“Kana ukazonamata,

Tenzi achakupindura,

kana ukadaidzira

iye anoti ndiri pano.

Kana pakati penyu mukakanda pasi

joko rokudzvinyirira

nokunongedzerana munwe

nokutaura zvakaipa

10uye kana ukawanisa

vane nzara chokudya

uchipedza nhuna

dzavatamburi,

chiedza chako

ndopachichanyatsoti ngwe-e

kuvheneka murima,

rima rakakupoteredza

richazoita samasikati machena.

11Tenzi achakutungamirira

nguva dzose zvadzo

achikugutsa nezvakanaka

achikusimbisa iwewe pachako

ugoita sebindu

rine mvura yakawanda

sechisipiti chemvura isingapwi.

12Pamatongo enyu pachavakwazve,

muchamutsazve ugaro

hwedzimba dzapasi chigare;

uchazonzi mugadziridzi wezvakapazika,

mugadziridzi wemigwagwa yepokugara.

Mubayiro wokuchengeta zuva raMwari rinoera

13“Kana ukatsaukana neSabata

worega kuita zvaunoda

pazuva rangu rinoera,

wava kuti Sabata,

izuva rinofadza,

uyewo wava kuti

zuva rinoera raTenzi

rinoremekedzeka,

kana ukariremekedza

usingaite zvomusoro wako

uchiita zvaunoda

uchidya zvako nyaya.

14“Ipapo Tenzi achava rufaro rwako,

panyika ndichakuita kuti

uve wapamusorosoro chaipo

ndichiita kuti udye,

nhaka yababa vako Jakobho

nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help