Jobhu 26 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Chawandibatsira Bhiridhadhi hapana

1Jobhu akapindurawo achitizve,

2“Ndokubatsira munhu asina simba ikoku,

ndokununura here ikoku

munhu anenge arukutika?

3Ndokurairawo here

munhu asina mazano ikoku

uchimuzivisa mano ohungwaru akawanda?

4Ndianiko akakupa kuti

utaure mashoko iwaya?

Uri kuzvitauriswa nemweya wani?

Bhiridhadhi akapamha kutaura achiti

5Vari pasi, vakafa vanodedera nokutya

mvura nezvinogara mumvura zvinodedera.

6Nzvimbo yavafi mutwi zvayo kuna Mwari,

kwaari nzvimbo yavachakabvu yakashama.

7Mwari ndiye akatambanudza zidandanakutanda mumhene.

Akapaikira nyika pasina pokupaikira.

8Anosungirira mvura mumakore ake makobvu

asi gore haribvaruki nokurema kwayo.

9Anofukidza mwedzi wejenaguru

achiwarira pauri gore rake.

10Akatara denderedzwa pamusoro pemvura

pamuganhu wechiedza nerima.

11Mbiru dzedenga dzinodedera

dzinokangaidzwa nezwi rake rokuyambira.

12Akanyaradza gungwa nesimba rake

nohungwaru hwake akaparadza zigaranyanya Rahabhu.

13Nezwi rake akaita kuti denga riti ngwee,

noruoko rwake akauraya zigaranyanya parainge rotiza.

14Izvi zvinongova kadimbu kadiki kezvaanoita,

zvatinonzwa rinongova zevezeve razvo.

Ndiani anganzwisise kutinhira kwesimba rake?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help