Isaya 54 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rudo rwaTenzi neJerusaremu

1“Imba zvako iwe usina mbereko

iwe usina kumbobereka

denhura rumbo upururudze

iwe usina kumborwadziwa napamuviri

nokuti vana vako

iwe wakasiyiwa vachawanda

kupfuura vana veakaroorwa

ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.

2Kudza-kudza tendhe rako

udhadhanure machira

emaunogara okudzikatirisa

usaregedze zvako

rebesa tambo dzako,

hoko dzako ngadzinyatsoti

ndendende kusimba,

3nokuti uchatekeshera uku nouku

zvizvarwa zvako

zvichatonga marudzi avanhu,

maguta ava matongo

vachaaita misha yavo.

4“Rega zvako kutya

nokuti hausi kuzombonyara,

rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo

nokuti hausi kuzombonyadziswa

pamusana pokuti

zvakakunyadzisa uchiri mudiki,

uchatozvikanganwa

uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi

hausi kuzombokuyeuka;

5nokuti Musiki wako

ndiye murume wako

Tenzi wehondo nehondo

ndiro zita rake iroro,

uye Anoera weIsiraeri

ndiye Mununuri wako

iye anonzi

Mwari wapasi pose.

6Ndinodaro nokuti

Tenzi achakudaidza

somudzimai akanga arambwa

akashungurudzwa mwoyo

somusikana akabvisa jaya mugota

paanenge zvino adzingwa,

ndizvo zviri kutaurwa naMwari wako.

7Ndakambokuti furatirei kwechinguva,

asi nengoni dzangu dzakawanda kudai

ndichakuunganidzai.

8Nokungoti virukei kwechinguva

kwandakanga ndaita nehasha,

ndakakupa gotsi.

Asi norudo rusingaperi

ndichakunzwira tsitsi.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi

Mununuri wako.

9“Ndinodaro nokuti kwandiri ini,

mazuva ano iwaya

achaita semazuva aNowa

andakatsidza kuti

mafashamo aNowa

haafaniri kuzombovazve panyika.

Nokudaro ndinotsidza kuti

handichazombokushatirirwazve

kana kuzombokutsiudzazve.

10Ndinodaro nokuti makomo

angabve zvawo paanenge ari,

zvikomo zvikatozunguzika zvazvo;

asi mwoyochena wangu

kwauri iwe, hauzombobva

uye chitenderano changu newe,

chorugare, hachizombozunguziki

ndizvo zviri kutaura Tenzi

ane rudo newe.”

Jerusaremu idzva

11“Nhai nyakuoneswa ndondo

iwe wokutututswa nedutu remhepo

iwe wakashaya anokunyaradza!

Chiteerera unzwe

ndichagadzikira nheyo dzako

pamatombo anokosha eandimoni

ndichikuvakira ugaro hwako

wamatombo anokosha esafaya.

12“Zvisuvi zvako

ndichazviita nematombo

anokosha eageti

misuo yenyu mikuru

ndichiita nematombo

anokosha ekabhinikuru

rusvingo rwako rwese

ndichiruita namatombo anokosha.

13Vana vako vose

vachadzidziswa naTenzi,

vana vako vachapfuma

zviya zvokupfuma zviya.

14Kururama ndokuchava hwaro

zvokudzvanyirirwa

zvichava kure newe

nokuti unenge usisatye.

Umbwende huchava kure newe

nokuti haumboswedera pedyo newe.

15Chinzwa, kudenha

vanhu vachakudenha,

asi zvinenge zvisingabve kwandiri.

Anenge adenhana newe

uchamukandisa mapfumo pasi.

16Chinzwa unzwe,

kana dziri mhizha dzezvoutare izvi

dzinovhutira moto wemazimbe nemvuto

dzichipfura zvombo zvokurwisa nazvo

zvokushandisa mabasa

akasiyana-siyana,

ndini ndakadzisika

ndiniwo ndakasika marudzi

anoparadza acho.

17Hakuna chombo chokurwisa

chichagadzirirwa iwewe

chichakwanisa kuita basa racho,

uye uchakonesa munhu wese

anenge akukwirira dare.

Iyoyi iyi ndiyo nhaka

yevaranda vaTenzi

uye ndokuvatsigira kwandinoita.”

Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help