Kuungudza 3 - Shona Common Language Bible(SCLB)

KUUNGUDZA KWECHITATUKurangwa nokupinduka nechitarisiro

1Ini ndiri munhu ndakaziva nhamo

neshamhu yehasha dzaMwari.

2Akandidzinga akandiendisa murima

kwete muchiedza.

3Anonditendeudzira atendeudzazve

shamhu yake muswere wose.

4Akaita kuti ndiperezeke muviri

neganda rangu zviperezeke;

akandityora mapfupa.

5Akandikomberedza akandiputira

nenhamo namatambudziko.

6Akandigarisa murima

savafi vepasi chigare.

7Akandipoteredza nechidziro

zvokuti handikwanise kupunyuka,

akandisunga nengetani dzake dzinorema.

8Kunyange ndikachema ndichikumbira kubatsirwa

kunamata kwangu akakuvhariridza.

9Akadzivirira nzira dzangu

namabwe akavezwa

akamonyorotsa nzira dzangu.

10Kwandiri akaita sebere rakavandira

uye seshumba yakahwanda.

11Akanditsautsa munzira yangu

akandibvadzura-bvadzura

akandisiya ndachiti dano!

12Akakunga uta hwake,

chaainanga chacho ndini.

13Akandinanga pakaipa

nemiseve yegoba rake.

14Ndakave chiseko chevanhu vose

ndikave rumbo kwavari muswere wose.

15Akandigutsa nezvinovava

akandiraradzisa negavakava.

16Akaita kuti mazino angu agejere namatombo

akandiumburudza kumadota.

17Akandibvisira paupenyu chinounza rugare,

ndakatokanganwawo chinonzi kugarika.

18Saka ndichiti zvangu

zvomukurumbira wangu zvakapera

uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera.

19Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini,

igavakava nenduru zvayo.

20Ndinoramba ndichingozvifunga iwe,

uye ndave hotakota mukati mangu.

21Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka

uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti:

22Mwoyochena waTenzi hauperi

tsitsi dzake hadziperi.

23Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva.

Kutendeka kwenyu kwakakura.

24Ini ndinoti

Tenzi ndiye nhaka yangu,

naizvozvo ndiye chitarisiro changu.

25Tenzi akanaka kuna vanomumirira

kumunhu anomutsvaka.

26Chinhu chakanaka kumirira

ruponeso rwaTenzi chinyararire.

27Chinhu chakanaka kuti munhu

atakure joko rake achiri mudiki.

28Ngaagare pasi chinyararire

nokuti ndiMwari anenge

ariisa paari.

29Ngaaise zvake muromo wake pavhu

zvichida pane chitarisiro chichiripo.

30Ngaaperekere zvake dama rake kune anorova

ashorwe zvake zvizere.

31Nokuti Tenzi haarase munhu zvachose.

32Anogona kurwadzisa zvake

asi ane tsitsi

maererano nokuwanda kwemwoyochena wake.

33Hachisi chinhu chinomufadza

kutambudza kana kurwadzisa vanhu.

34Zvokuti vasungwa vose vapasi pose

vatsikwe-tsikwe pasi petsoka;

35kana kurega kupa munhu zvaanokodzera,

zvaanemvumo nazvo pamberi paWokumusorosoro

36kana kusatonga mhosva dzavanhu zvakanaka

izvozvi izvi Tenzi haazvidi.

37Ndiani angati chinhu ngachiitike

chichibva chaitika

kusatoti Tenzi ada kuti chiitike.

38Zvingave zvinhu zvakanaka kana zvakaipa

handiti zvinenge zvatobva mumuromo

woWokumusorosoro here?

39Chero munhu ari mupenyu chete anganyunyutirei

kana achirangirwa zvitadzo zvake.

40Ngatitarisei tiongorore nzira dzedu

tidzokere kuna Tenzi.

41Ngatisimudzirei mwoyo yedu namaoko edu

kuna Mwari kudenga tichiti,

42“Takatadza tikapanduka; asi imi hamuna kuregerera.

43Makamonerwa nehasha

mukatironda

muchiuraya zvisina tsitsi.

44Makazviputira imi negore

zvokuti hapana munamato unogona kupfuura.

45Makatiita zvinhu zvisina maturo

namarara pakati pavanhu.

46“Vavengi vedu vanotisveeredza.

47Kutya nehunza

kwatiri zvauya

uye kupera

nokuparadzwa.

48Maziso angu anoyerera hova dzemisodzi

pamusana pokuparadzwa kweguta ravanhu vangu.

49“Maziso angu acharamba achingosvimha misodzi

pasina zvokumbomira.

50Kusvikira Tenzi atarisa kubva kudenga azviona.

51Zvandinoona zvakaitika

kuvakadzi vose veguta rangu zvinondirwadza.

52“Ndakavhimwa ndavhimwazve seshiri

navakanga vari mhandu dzangu

pasina chikonzero.

53Vakandipinza mugomba ndiri mupenyu

vakakungurutsira dombo pandiri.

54Mvura yakandikwidibira musoro

ndikati ndaparara ini.

55“Ndakakudaidzai nezita imi Tenzi,

ndiri pasi pegomba.

56Makanzwa imi chichemo changu

musadzivire nzeve yenyu

pandinochemera rubatsiro.

57Makauya pedyo

pazuva randakadanidzira kwamuri

mukanditi, ‘Usatye.’

58“Makaita hanya nezvenyaya yangu, Tenzi

mukanunura upenyu hwangu.

59Imi Tenzi makaona

zvakaipa zvakaitwa kwandiri.

Ndienzanisireiwo nyaya yangu.

60Makaona, imi, kutsividza kwavo kwose

netwavaindirongera.

61“Makanzwa imi Tenzi kunyomba kwavo

netwose twavanondirongera

vanondinyeya nokundifungira

62vavengi vangu vanondinyeya vachindifungira

muswere wose wezuva.

63Kunyange pavanenge vagere zvavo

kana kuti pavanenge zvino vamira

ini ndini ndinongova rumbo rwavo.

64“Tenzi, dai mukavadzorera

maererano nezviito zvamaoko avo.

65Vaomeserei mwoyo

muvarengerere rushambwa.

66Muvadzingirire nehasha

muvaparadze imi Tenzi,

mudenga imomo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help