Tsumo 10 - Shona Common Language Bible(SCLB)

II: CHIKWATA CHIKURU CHETSUMO DZASOROMONI

1Tsumo dzaSoromoni.

Mwanakomana anoungwaru

anofadza baba

asi benzi romwana

inhamo zvayo kuna amai.

2Upfumi hunowanikwa zvakaipa,

hauna chimuko

asi ururami hunoponesa kurufu.

3Tenzi haaregi mururami achifa nenzara

asi zvinosuwirwa navakaipa anozviisa rutivi.

4Kugara maoko kunounza urombo

asi kugwinyisa maoko kunopfumisa.

5Mwana anounganidza pazhizha

mwana akangwara

asi mwana anorara pakukohwa anonyadzisa.

6Munhu akarurama ane chikomborero pamusoro

asi muromo womunhu wakaipa unovanza utsinye.

7Kufunga nezvemururami chikomborero

asi zita romuipi rinoora.

8Munhu akangwara anoteerera mitemo

asi benzi rinotaura chero charataura rinoparara.

9Anofamba muchokwadi haana chinomuwana

asi anofamba zvisizvo achawanikidzwa.

10Anochonya ziso anopinza nhamo

asi anotsiura zvinechivindi anounza rugare.

11Muromo womunhu akarurama

chisipiti choupenyu,

asi muromo womuipi

unoviga utsinye.

12Ruvengo runomutsa gakava,

asi rudo runofukidza zvikanganiso zvose.

13Ungwaru hunowanikwa

pamuromo pomunhu anonzwisisa

asi munhu asina pfungwa

shamhu inogara iri pamusana pake.

14Vangwaru vanopfundira ruzivo rwavo mumwoyo

asi muromo webenzi unounza kuparadzwa.

15Upfumi hwomupfumi iguta rake rakasimba

urombo hwavarombo ndihwo hunovaparadza.

16Basa romururami rinounza upenyu

mubayiro wavaipi unosvitsa kuchitadzo.

17Anochengeta zvidzidziso

ari munzira inoenda kuupenyu

asi anoramba kutsiurwa anorasika.

18Munhu anoviga ruvengo munyepi

munhu anoreva mumwe ibenzi.

19Munhu anowanza twokutaura

kukanganisa hakushaike

asi anozvibata pakutaura akachenjera.

20Rurimi rwomururami isirivha yakanakisa

asi pfungwa dzomuipi hadzina maturo.

21Miromo yomururami inogutsa vakawanda

asi mapenzi anofa pamusana

pokushaya ruzivo.

22Chikomborero chaTenzi chinopfumisa,

hapana kushanda kunohupamhidzira.

23Kune benzi kuita zvakaipa

unotova mutambo

asi kumunhu anonzwisisa

kuita zvinoungwaru

ndozvinomufadza.

24Zvinozezwa nowakaipa ndizvo zvinomuwira

asi zvinosuwirwa nomururami anozvipihwa.

25Kana chamupupuri chikapfuura

muipi panosara pasisina

asi mururami akadzika midzi nokusingaperi.

26Zvinongoita vhiniga kumazino

uye utsi kumaziso

ndozvakaita tsimbe kune anomutuma.

27Kutya Mwari kunorebesa upenyu

asi makore omuipi achapfupikiswa.

28Chitarisiro chomururami rufaro

asi zvinotarisirwa nowakaipa zvinongoti mwarara.

29Tenzi inhare kumunhu wemaitiro akarurama

asi anoparadza vaiti vezvakaipa.

30Vakarurama havatipurwi

asi vaipi munyika havamugari.

31Muromo womururami unounza ungwaru

asi rurimi rwouipi ruchadimurwa.

32Miromo yomururami inoziva zvinovaka

asi muromo wavaipi zvounyengedzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help