Hosea 8 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kunamata zvifananidzo hakubvumirwi

1“Nomuromo wako, chiridza bhosvo

sezvo vemba yokwaTenzi

vatova nyama yemagora

nokuti vakatyora

chitenderano changu ini navo

vakatyora mutemo wangu.

2Kwandiri ndokwavanochema vachiti,

‘Nhai Mwari wangu!

Inga isu vokwaIsiraeri

tinokuzivai wani!’

3Asi vokwaIsiraeri ivavo,

vakasema zvinhu zvakanaka,

muvengi achavaronda.

4“Vakagadza madzimambo avo

vasina kumboti ini ndive mukati mazvo;

vakazvisarudzira machinda

vasina kundizivisa

nesirivha yavo, nendarama yavo,

vakazvigadzirira zvifananidzo zvokunamata

kuri kuzvitsvakira kuparadzwa.

5Ndinosema kwazvo

mhuru yako yaunoeresa,

iwe guta reSamaria.

Ndinovirukira nehasha vanhu ivavo.

Kuchasvika rinhi chaizvo

kuti vokwaIsiraeri

vazova vanhu vavatsvene.

6Inga wani zvakabva muIsiraeri.

Zvakagadzirwa nemhizha

mhuru iyoyo, haisi Mwari.

Mhuru yacho inoereswa muSamaria

ichapwanyiwa kuti mwarara

7nokuti vanodyara mhepo

vachakohwawo chamupupuri;

mashanga zvawo akangomira

asina hura asingape upfu.

Dai aipa upfu, vatorwa ndovaitohudya zvavo.

8Asi Isiraeri yamedzwa iyi.

Yatova zvayo somudziyo usina basa

mukati mevechirudzi.

9VokwaIsiraeri idhongi zvaro,

romusango riri kudzungaira roga

nokuti vakakwira kuAsiria,

vokwaEfuremu vakaita

zvokutondotenga zvikomba.

10Kunyange zvazvo vakaita

zvokubhadhara vatorwa vokuvakuta,

mukati mevechirudzi

ndichavakokorodza zvangu iye zvino uno

vamborega kwakanguva kadiki

zvokugadza mambo namachinda.

11“Kunyange vokwaEfuremu vakavaka zvavo

atari neatari dzokupfupirira zvitadzo,

atari dzacho dzava atari

dzokuparira zvitadzo.

12Ndikavanyorera zviuru

zvemitemo yangu;

ivo, vanotoshama

kuti ndochii ichochi.

13Zvokupira zvibayiro ndizvo zvavanofarira

vanoitaka chibayiro chenyama vodya nyama iyoyo

asi Tenzi haambozvifarira

iye zvino ava kutorangarira uipi hwavo

agorangira zvitadzo zvavo.

Vachapishinukira kwakare kuIjipiti,

14nokuti vokwaIsiraeri

vakakanganwa Musiki wavo

vakavaka mizinda.

VokwaJudha vakavakawo

maguta etsvingo akawanda

asi ndichatuma moto pamaguta avo,

ucharoromesa nzvimbo dzavo

dzokuzvidzivirira muhondo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help