2 Nhoroondo 20 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Hondo yaJehoshafati nevokuEdhomu

1Mushure maizvozvi, vaMoabhu navaAmoni vaine vamwe vechiMeuni vakauya kuzorwisa Jehoshafati.

2Kwakauya vanhu kuna Jehoshafati vakamuudza kuti, “Kuri kuuya gurusvusvu ravanhu uku kuzokurwisai richibva kumhiri kwegungwa, richibva kuEdhomu. Kutaura kuno vatova kuHazazonitamari” (ndiko kunonzi kuEngedhi).

3Jehoshafati akapindwa nokutya akazvipira kutsvaka Tenzi, akatumira chirevo chokuti vanhu vatsanye munyika yose yaJudha.

4VokwaJudha vakaunganidzana kutsvaka kubatsirwa naTenzi. Vakakotonoka mumaguta ose okwaJudha kuzotsvaka kubatsirwa naTenzi.

5Jehoshafati akamira mugungano revokwaJudha novemuJerusaremu, mumba yaTenzi paruvanze rutsva ruya,

6akati,

“Tenzi, Mwari wamadzibaba edu,

imi hamusirimi Mwari

here mudenga'mu?

Inga wani umambo hwose

hwamarudzi avanhu huri mumaoko enyu.

Uyewo ukuru nesimba zviri mumaoko enyu,

zvokuti hapana angamirisane nemi.

7Imi Mwari wedu hamusirimi here makadzingira

kunze vanhu venyu vaIsiraeri vagari venyika ino

mukaipa narini wose kuzvizvarwa

zvaAbhurahamu shamwari yenyu.

8Mavakadai kugara vakatokuvakirai

mairi nzvimbo inoera,

nzvimbo ine zita renyu, vachiti

9kana dai kuri kuti tawirwa nenyatwa,

ingave hondo iri shamhu yokuranga,

kana denda, kana nzara,

kana tikamira pamberi pemba ino,

mberi kwenyu,

pamusana pokuti zita renyu riri pamba iyoyi

tikachema kwamuri tiri munhamo dzedu,

imi muchateerera motiponesa.

10“Chionaiwo zvino,

vanhu vokuAmnoni nevokuMoabhu nezvokugomo

reSeiri vaya vane nyika dzamakarambidza

kupinda pavakabuda kunyika yeIjipiti

vaye vavakanyenyeredza vakarega kuvaparadza.

11Hezvi vauya kuzotitsiva nokutiburitsa

munhaka yenyu yamakatipa kuti tigare.

12Nhai Mwari wedu mucharega here kuvaranga?

Nokuti isu simba rokumirisana

negurusvusvu revanhu riri kuuya kuzotirwisa hatina.

Chokuita hatichaziva,

chedu isu kwava kungotarisira kwamuri.”

13Izvozvo vanhu vokwaJudha vose vakanga vamire mberi kwaTenzi nepwere dzavo namadzimai avo navana vavo.

14Mweya waTenzi wakauya pana Johazieri mwanakomana waZekariya, Zekariya aberekwa naBhenaya, Bhenaya mwanakomana waJeieri, Jeieri aberekwa nomurevhi Mataniya mumwe wavana vokwaAsafu ari mukati megungano ravanhu.

15Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa.

16Mangwana dzikai mundovarwisa. Izvozvo vachakuvingai nokumukwidza weZizi. Muchavawana vava kwakaperera bani racho, kumabvazuva kwerenje reJerueri.

17Zvokurwa, hamutomborwa zvenyu ipapa. Chenyu imi kurongana mongomira zvenyu muone kukurira kwaTenzi achiitiremi, iwe Judha newe Jerusaremu. Musatye, musapazamiswe musoro nazvo. Mangwana chaiwo vabudirei, Tenzi achava nemi.”

18Jehoshafati ndokubva atsikitsira pasi nouso, Judha yose navagari vomuJerusaremu vakati pasi zvambarara mberi kwaTenzi.

19VaRevhi vemba yokwaKohati nevokwaKora vakasimuka vachirumbidza nezwi guru Tenzi, Mwari weIsiraeri.

20Vakamuka rungwanagwana vakaenda kurenje reTekoa. Pavakanga vava kuenda Jehoshafati akasimuka akati, “Judha we-e newe mugari womuJerusaremu imbonditeerai munzwe! Vimbai naTenzi, Mwari wenyu, achaita kuti mugadzikane. Vimbai navaporofita vake zvikufambirei zvakanaka.”

21Kuzoti apedza kubvunza mazano kuvanhu, akasarudza vokuimbira Tenzi nokumurumbidza vakapfeka hanzu dzinoera vari mberi kwehondo vachiti,

“Tendai Tenzi

uye nokuti mwoyochena wake hauperi.”

22Pavakatanga kuimba nokurumbidza, Tenzi akaisa vokuhwandira vaAmoni navaMoabhu nevokuGomo reSeiri vakanga vauya kuzorwisa vokwaJudha ndokubva vakurirwa.

23Chakaitika ndechokuti, vechiAmoni nevechiMoabhu vakamukira vagari vokuGomo reSeiri vakavatsvaira. Pavakapedza kuuraya vagari vokuSeiri ava, vose vakatobatsira nokuurayana.

24VokwaJudha pavakasvika pokuongorora vari panharire yomurenje vakatarisa kugurusvusvu ravanhu riya onei wangova murakatira wezvitunha pasi pasina nomumwechete akanga apunyuka.

25Pakaenda Jehoshafati navanhu vake kundotora zvinhu zvokupamba kwavari, vakasvikowana kuna matanga namatanga emombe nemidziyo nehanzu nezvinhu zvinokosha kwazvo zvavakatora zvavo kuita zvavo, kusvikira pokuti kutakura zvimwe vakanga vasisagoni. Vakaita mazuva matatu ese vachitora zvavo zvinhu zvokupamba, zvakanga zvakawanda.

26Pazuva rechina vakaungana muBani rokurumbidza nokuti imomo ndomavakarumbidza Tenzi ndokusaka pakatumidzwa zita rokuti Bani rokurumbidza kusvikira pari nhasi.

27Vakazodzoka, munhu wose zvake wokwaJudha nowomuJerusaremu, izvozvo Jehoshafati achivatungamirira vachidzokera Jerusaremu, vasingagone nokufara nokuti Tenzi akanga aita kuti vafarire zvakanga zvaitwa vavengi vake.

28Vakasvika kuJerusaremu kumba yaTenzi madimbwa achiridzwa, zvipendani zvichidandaura, iwo mabhosvo achirira.

29Umambo hwenyika dzose hwakabatwa nokutya Mwari, pavakanga vanzwa kuti uku Tenzi akarwisa vavengi veIsiraeri.

30Nokudaro umambo hwaJehoshafati hwakava norunyararo nokuti Mwari wake akamupa runyararo kumativi ose.

Magumo okutonga kwamambo Jehoshafati(1 Madzi 22:41–50)

31Uku ndokutonga kwakaita Jehoshafati kwaJudha. Akanga ava namakore makumi matatu namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi maviri namashanu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi.

32Akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi.

33Zvakadaro zvazvo, nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakanga vasati vaisa mwoyo yavo kuna Mwari wemadzibaba avo.

34Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera, dzakanyorwa wani muNhoroondo dzaJehu mwanakomana waHanani, munhoroondo dziri muBhuku reMadzimambo eIsiraeri.

35Mushure maizvozvi Jehoshafati mambo wokwaJudha akaita rimwe naAhaziya mambo wokwaIsiraeri aiita zvakaipa. Akabatana naye mukugadzira ngarava dzokuenda kuTarishishi.

36Vakagadzira ngarava idzodzo kuEzionigebheru.

37Ndopakaporofita Eriezeru, mwanakomana waDhodhavhawu wokuMaresha Jehoshafati achiti, “Pamusana pokuti maita rimwe naAhaziya Tenzi achaparadza zvamagadzira.” Ngarava dzacho dzakaparadzwa dzikatadza kusvika kuTarishishi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help