Zekariya 9 - Shona Common Language Bible(SCLB)

NDIMA YECHIPIRIZvichatemerwa marudzi avakavakidzana neIsiraeri

1Hechinoi chirevo.

Shoko raTENZI rakanangana

nenyika yeHadhiraki

uye richasvikawo kuDhamasikusi

nokuti maziso avanhu

anototarisira kuna TENZI

sezvinongoitawo madzinza ose eIsiraeri

2uyewo Hamati inoganhurana nayo

neTire neSidhoni

kunyange zvazvo vane ungwaru.

3Guta reTire rakazvivakira

nhare dzaro dzokuzvidzivirira kuhondo

rikaunganidzawo sirivha sevhu

uye nendarama samatope omumugwagwa.

4Asi TENZI acharikatanura

zvinhu zvaro zvarinazvo

agoti kupukupu kukanda

upfumi hwaro mugungwa.

Tire icharoromeswa nomoto.

5Ashikeroni ichazviona

igodedera kutya,

Gazawo ichamonyoroka

ichirwadzwa kwazvo nazvo,

pamwechetewo neEkironi

nokuti zvayaitarisira zvakangaidzika.

MuGaza muchasara musisina mambo

Ashikeroni richasara risisina vageremo.

6Rudzi rwavana vomusango

ndoruchatozoita musha muAshidhodhi

uye ndichapedza kuzvitutumadza kweFirisitia.

7Ndichaibvisa nyama ine ropa mukanwa mayo

nezvakan'ora zvayo mumazino mayo

naiyowo ichava chitsama chavanhu

vakasara chaMwari wedu.

Ichavawo seimwe imba

yomudzinza rokwaJudha

Ekironi ichaita

hwevanhu vokuJebhusi.

8Ndipo pandichaita musasa

pamba pangu somuchengetedzi

kuti parege kuwana munhu anodzengererapo.

Hakuna mudzvinyiriri achazombovakurira

nokuti ndazvionera zvino

namaziso angu aya.

Mambo weramangwana

9Fara zvikuru kwazvo

iwe mukunda, guta reZioni.

Pururudza kwazvo kwazvo

iwe mukunda, guta reJerusaremu.

Hoyo mambo wako anouya kwauri!

Ahwinha, mukundi chaiye,

anozvirereka zvake nokutasva dhongi,

chigondora chemwana wedhongi.

10“Ndichaparadza ngoro yehondo

mudzinza rokwaEfuremu

nebhizawo rehondo muJerusaremu

uye uta hwehondo huchaparadzwawo.

Iye achatiwo kumarudzi

ngakuve norugare, umambo hwake huchatonga

kubvira kune rimwe gungwa

kusvikira kune rimwewo gungwa nokubvirawo kuRwizi

kudzamara kwakaperera nyika chaiko.”

Kudzoserwa kwakare kwavanhu vaMwari

11“Kana zviri zvakowo iwe,

ndichiitira hangu ropa

rechitenderano changu newe,

ndichasunungura nhapwa dzokwako

mumugodhi usina mvura vaende zvavo.

12Dzokerai zvenyu kunhare dzenyu

dzokuzvidzivirira muhondo,

imi nhapwa dzechitarisiro!

Nhasi uno ndinoti

ndichakudzoserai zvakapetwa ruviri

13nokuti ndakakunga vokwaJudha

souta hwangu, vokwaEfuremu

ndikavaita museve wacho.

Iwe guta reZioni

ndichavhevhetesa vanakomana vako

pamusoro pavanakomana vako

iwe nyika yeGirisi, uye ndichakuvheyesa

sebakatwa romurwi wehondo.”

14TENZI ndipo paachaonekwa nechapamusoro pavo,

misevewo yake iri mheni zvayo kuenda.

TENZI Mwari acharidza hwamanda

agoenda achifamba hake

nomuchamupupuri chamaodzanyemba.

15TENZI wehondo nehondo

achavadzivirira, vachazhanya nokutsokodzera pasi

varwi vezvimviriri zvamatombo.

Ropa ravo vacharinwa sewaini

kuzara somundiro, zvokutotota

sapamakona eatari.

16Nomusi iwoyo

TENZI, Mwari wavo achavanunura

nokuti ivowo,

idanga rehwai dzavanhu vake.

Chiripo ndechokuti ivo sezvishongo zvapangundu

vachapenya munyika make.

17Eeka!

Hamungati kunaka ikoko,

i–i zvakazonaka.

Hakuzi kuyevedza kwakadaro,

haiwaiwa zvinoyevedza!

Mbesanwa dzichaita kuti

zvinhu zvinakire majaya uye waini itsva

ichiitira zvakanaka vasikana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help