Nziyo 73 - Shona Common Language Bible(SCLB)

BHUKU RECHITATU(Nzi 73—89)Ruenzaniso rwaMwariRwiyo rwaAsafu.

1Chokwadi Mwari wakanaka akarurama

kuna vakachena mumwoyo.

2Asi ini ndakapotsa ndapingirishwa,

makumbo angu akanga avakutoda kutsvedza.

3Nokuti ndaive neshanje navanozvitutumadza

pandakaona kubudirira kwavakaipa.

4Nokuti havana chinovarwadza,

miviri yavo yakasimba kuti gwindiri.

5Havana nhamo dzina vamwe,

havatambudziki sezvinoita vamwe vanhu.

6Nokudaro kuzvitutumadza ndicho

chishongo chavo chomumutsipa.

Kuita zvechisimba ndiyo hanzu

yavo yavanopfeka.

7Maziso avo akatozvimba nokukora,

mwoyo yavo inotutumira noupenzi.

8Vanonyomba nokutaura nounyengedzi,

vanotyityidzira vanhu vachizvikudza

vachiti vachavatonga zvakaipa.

9Vanotuka denga

vachidzongodza nyika

nezvinobva pamuromo pavo.

10Nezvo vanhu vanopinduka vovarumbidza

vachishaya chakaipa mavari.

11Vanototi Mwari angazvizive sei,

iye Wokumusorosoro chaangazivewo chii.

12Ndizvo zvakaita vakaipa izvi,

vanogara vakagarikana,

upfumi vachingoita matutu matutu.

13Ndakachengetera pasina mwoyo wangu wakachena,

chandakazvichengetera maoko angu

asina chaakabata chakaipa hapana.

14Nokuti ndinotambudzwa zuva rose

uye ndinorangwa mangwanani oga oga.

15Dai kuri kuti ndaiti

regai nditaure zvangu ndichidai.

Ndingadai ndisina kuva pachokwadi

kuzvizvarwa zvavana venyu.

16Pandakati regai ndiedze kuzvinzwisisa izvi,

chakave chinhu chakaomarara kwazvo

17kusvika ndaenda munzvimbo yenyu inoera,

ndopandakazoziva magumo avo.

18Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza,

munoita kuti vapinde mukuparadzwa.

19Vanoyerekana vaparadzwa

munovatsvaira nezvinotyisa.

20Vanoita sechiroto munhu paunomuka.

Pamunosimuka

munovatora sechinhu pasina.

21Pandakanga ndasuruvara,

ndabaiwa mwoyo,

22ndakanga ndazungaira

ndisina chandinoziva

ndakaita semhuka zvayo kwamuri.

23Kunyange zvakadaro zvazvo

ndinoramba ndinemi nguva dzose

munondibata ruoko rworudyi.

24Munonditungamirira namazano enyu

mushure mezvo

muchandigamuchira mumbiri yenyu.

25Ndiani wangu ari kudenga

kusiya imi?

Uye hapana chandinoda panyika

kusiya imi.

26Nyama yangu nemwoyo wangu

zvingakundike zvazvo

asi Mwari ndiye simba rangu

uye ndiye mugove wangu nokusingaperi.

Nokuti vanogara kure nemi vanoparara

27imi munoparadza vanoita unzenza

hwokusava pachokwadi nemi.

28Chakandinakira ini kugara padyo naMwari.

Mwari ndiye wandakaita wokupotera naye

kuti ndiparidze mabasa enyu ose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help