Nziyo 148 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kurumbidza Mwari pamwe nedenga napasi

1Areruya.

Rumbidzai TENZI kumatenga;

murumbidzei kumusorosoro.

2Murumbidzei imi vatumwa vake vose;

murumbidzei imi hondo dzake dzose.

3Murumbidzei imi zuva nemwedzi;

murumbidzei imi nyenyedzi dzinopenya.

4Murumbidzei imi matenga okumusorosoro

nemi mvura dzokumusoro kwamatenga.

5Ngazvirumbidze zita raTENZI

nokuti akataura, izvo zvikabva zvasikwa.

6Akazvimisa panzvimbo yazvo nokusingaperi,

akazvisiira miganhu yazvo yazvisingapfuuri.

7Pasi ngaparumbidzewo TENZI:

imi mazigaranyanya nemi hwenje hose hwegungwa

8newe moto nechivhuramahwe

namazaya echando namazaya echando chamangwanani

nemi dutu remhepo rinoita zvaanoreva;

9imi makomo nezvikomo zvose,

miti yemichero nemisidhari yose,

10imi zvikara nemi mombe dzose,

imi zvinhu zvinokambaira,

nemi shiri dzinobhururuka,

11nemi madzimambo apasi nemi vanhu vose,

imi machinda nemi vatongi vose vapasi

12nemi majaya nemhandara pamwechete

imi vakwegura nemi vana,

13rumbidzai zita raTENZI

nokuti zita rake roga

ndiro riri pamusorosoro,

mukurumbira wake, denga napasi zvinosara pasi.

14Akaita kuti vanhu vake vave rudzi rune simba

varurami vake vose ngavarumbidzwe

ngavarumbidzwe vanhu veIsiraeri

vari pedyo naye.

Areruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help