Nehemiya 9 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Kureurura kwakaita vanhu zvitadzo zvavo

1Kuzoti wava musi wechimakumi maviri nechina womwedzi iwoyu, vaIsiraeri vakaungana kuzotsanya vakapfeka masaga vakazvidira ivhu.

2VaIsiraeri vakazvitsaura kuvanhu vechirudzi vakasimuka vakareurura zvitadzo zvavo nouipi hwamadzibaba avo.

3Vakamira munzvimbo dzavo vakaverenga muBhuku roMutemo waTenzi, Mwari wavo kwamaawa matatu pazuva. Kwamamwe maawa matatu acho vakareurura vakapfugamira Tenzi, Mwari wavo.

4Pakakwirira paya pevaRevhi, pakanga pakamira ava vanoti:

Jeshua naBhani naKadhimieri

naShebhaniya naBhuni

naSherebhiya naBhani

naKenani vakachema vachiita

zvokudaidzira kuna Tenzi, Mwari wavo.

5VaRevhi ava vanoti:

Jeshua naKadhimieri

naBhani naHashabhuneya

naSherebhiya naHodhiya naShebhaniya

naPetahiya vakati,

“Simukai murumbidze Tenzi, Mwari wenyu.

Murumbidzei narini narini wose

kusvikira nokusingaperi.

Ngarirumbidzwe zita renyu

rina mukurumbira

Riri pamusorosoro chaipoipo

pazvose zvinokudzwa kana kurumbidzwa.”

Munamato wokureurura

6“Imi moga ndimi Tenzi.

Ndimi makasika matenga

nedenga rokumatengatenga

negurusvusvu nezvinhu zvaro,

nyika nezvose zviri mairi

makungwa nezvose zviri maari

Imi ndimi munozvichengeta,

gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai.

Kusarudzwa kwaAbhurahamu nechitenderano chaMwari naye

7“Imi Tenzi Mwari

ndimi makasarudza Abhuramu,

mukamuburitsa kuUru yevechiKaradhea

mukazoti zita rake rinzi Abhurahamu.

8Pamakaonawo kuti iye,

munhu ane mwoyo uri pachokwadi kwamuri

makaita chitenderano naye

chokupa vana vake nyika yavanhu

vechiKanani navaHiti navaAmori

navaPerizi navachiJebhusi navaGirigashi.

Makazadzisa chitsidzo chenyu

pamusana pokuti imi makarurama.

Kununurwa muIjipiti

9“Makaona nhamo yakaona madzibaba edu

muIjipiti mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku.

10Makaitira Farao zviratidzo nezvishamiso

pamwechete namakurukota ake navanhu vomunyika

make nokuti imi maizviziva kuti

vaiitira madzibaba edu zenze rokuzvikudza

mukabva mazviwanira zita kusvikira pari nhasi.

11Gungwa makariti nepakati tsemu vakatarisa

vakapfuura vachitotsika zvavo pasi pakaoma

pakati paro gungwa.

Makakanda vaivaronda muhwenje hwemvura

sedombo mumvura zhinji ine simba.

12Masikati makavatungamirira negore

usiku mukavatungamirira neshongwe yemoto

yokuvavhenekera nzira yokufamba nayo.

13Makaburuka imi pagomo reSinai

mukataura navo imi muri kudenga.

Makavapa zvirevo zvakarurama

nemitemo iri pachokwadi.

Makavapawo zvirongwa nemitemo yakanaka.

14Makavadzidzisa nezveSabata renyu dzvene,

makavapa mirao nezvirongwa nemitemo

nokuna Mosesi muranda wenyu.

15“Panzara yavo

makavapa chingwa chokudya

Kupodza nyota yavo,

makavapfachurira mvura ichibva padombo.

Makavati vapinde kundotora nyika iya,

nyika yamakatsidzira kuvapa.

Rudo rwaMwari kutsvuura muromo dzeIsiraeri

16“Asi ivo namadzibaba edu vakazvitutumadza,

Vakaomesa musoro, mirao yenyu vakaramba kuchengeta.

17Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu,

zvishamiso zviya zvamakavaitira.

Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri

wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda.

Asi imi muri Mwari anoregerera,

Mwari ane nyasha netsitsi

Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru

Hamuna kuda kuvafuratira.

18Kunyange pavakazviumbira chimhuru

choutare hwokunyungurusa

Vakati, ‘Uyu ndiye Mwari wenyu

Akakuburitsai kuIjipiti.’

Vakakushonhai zvikuru.

19Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda

hamuna kuvafuratira murenje.

Shongwe yegore yaivatungamirira

masikati haina kuvasiya

Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi

nzira yavaifanira kufamba nayo

usiku haina kuvasiya.

20Makavapa Mweya wenyu wakanaka wokuvadzidzisa,

Mana yenyu yokuti vadye hamuna kuvanyima

Makavapawo mvura yokupodza nyota yavo.

21Kwamakore makumi mana makavariritira murenje.

Hapana chavaishaya.

Hanzu dzavo hadzina kusakara.

Makumbo avo haana kuzvimba.

22“Makavapa ndudzi dzavanhu nenyika dzokutonga

mukavagovanisa nyika, mativi ose,

nezvo vakatora kuita yavo nyika

yaSihoni mambo weHeshibhoni

nenyikawo yaOgi mambo weBhashani.

23Makavapa vana vakawanda senyenyedzi dzedenga

mukauya navo munyika yamakanga matsidzira

madzibaba kuzopindamo vachiita yavo.

Kuzadzikiswa kwechitsidzo chokupinda muKanani

24“Saizvozvo vana vavo vakapinda

munyika iyoyi vakaiita yavo.

Makavaisira pasi pavo vagari venyika iyi vechiKanani

mukavaisa mumaoko avo

pamwechete namadzimambo avo

navanhu vechirudzi vomunyika imomo

kuti vaite zvavanoda navo.

25Vakakurira maguta etsvingo

nenyika yakapfuma.

Vakatora kuita zvavo dzimba dzizere

nezvinhu zvose zvakanaka

namatsime akaitwa zvokuchenwa padombo

neminda yamagirepisi nemindawo yemiorivhi

nemiti yemichero yakawanda kuita machiri.

Zvokudya vakadya, zvakawanda chaizvo

vakanyatsoguta zvokuita miviri chaiyo

Vakaita mutambaratede vagere zvavo mune

zvakanaka kwazvo zvamunovapa.

Kusateerera kweIsiraeri

26“Kunyange zvakadaro

zvazvo havana kuteerera,

vakakupandukirai.

Mitemo yenyu vakakanda pasi,

vakauraya vaporofita venyu

vaivakurudzira kuti vatendeukire kwamuri;

vakaita zvikuru zvokukushonhai.

27Naizvozvo imi

makavaisa mumaoko avavengi vavo

vakavaonesa nhamo.

Panguva yenhamo yavo iyoyo vakachema kwamuri,

muri kudenga ikoko makavanzwa.

Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda

makavapa vanunuri

vakavanunura mumaoko evavengi vavo.

28Asi vaiti vakange vava murugare

vodzokerazve mukukutadzirai.

Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo

kuti vagovatonga.

Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri

mainzwa kudenga ikoko.

Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo.

29Makayambira kuitira kuti vadzokere kumutemo wenyu;

ivo ndopavakazvitutumadza zvavo

vakarega kuteerera mirao yenyu

vakatoita zvitadzo zvokukanganisa zvirevo zvenyu

zvokuti anenge achizvichengeta anorarama;

vakava tsvuuramuromo

kutogwikura mapendekete kuramba.

Vakaomesa musoro

vachiramba kuteerera.

30Kwemakore mazhinji maingovaitira mwoyo murefu

muchingovayambira noMweya wenyu

nomuromo wevaporofita venyu

asi hazvina kumbovapinda munzeve.

Naizvozvo imi makavaisa mumaoko

emarudzi edzinyika idzi.

31Kunyange zvazvo zvakadaro

netsiye dzenyu nyoro dzakawanda

hamuna kubva mavatsakatisa kana kuvafuratira

nokuti imi muri Mwari

ane ngoni ane tsitsi.

Kureurura kwavo mhosva nomunamato wavo

32“Saka zvino Mwari wedu,

iyemi mukuru Samasimbaose,

Mwari anotyisa

anochengeta chitenderano,

Samwoyochena;

musaone sechinhu chiduku

nhamo dzakawira isu

namadzimambo edu navatungamiri vedu

navapristi vedu

navaporofita vedu

namadzibaba edu

navanhu venyu vose

kubvira panguva yamadzimambo eAsiria

kusvikira pari nhasi.

33Kunyange zvakadaro zvazvo,

makangoramba muri mururami

pane zvose zvakadai kutiwira

pamusana pokuti imi makaita zviri pachokwadi

asi isu takaita zvakaipa.

34Madzimambo edu

navatungamiriri vedu

navapristi vedu

namadzibaba edu

havana kuchengeta mutemo wenyu

kana kumboita hanya nomurao wenyu

kana yambiro dzamakavayambira nadzo.

35Kunyange pavainge vari muumambo hwavo

havana kukushandirai,

vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa,

muzidhandanda renyika yakapfuma

yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa;

asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana.

36Hezvi nhasi uno tiri varanda kudai

munyika yamakapa madzibaba edu

kuti vanakirwe zvavo nemichero yayo

nezvipo zvayo zvakanaka,

chionai zvino, tangova varanda.

37Zvakawanda kwazvo zvainobereka

zvinoenda zvazvo kumadzimambo

amakatiisira kuti atitonge

pamusana pezvitadzo zvedu.

Vanotovawo nesimba

rokutonga iyesu vanhu

pamwechete nezvipfuwo zvedu

sepamadiro avo zvavo.

Tayaura isu nenhamo.”

C: VANHU VAKAITA CHIBVUMIRANO VAKACHITSINHIRA NAMAZITA AVO

38Pamusana paizvozvi zvose tinosunga chitenderano tigochinyora, vatungamiriri vedu nevaRevhi navapristi vaise pachiri chidhindo chavo choumbo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help