Nziyo 36 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi muranda waTENZI.Uipi homunhu noururami hwaMwari

1Chitadzo chinotaura revo kune wakaipa

mukatikati memwoyo wake chichiti

kwaari zvokutya Mwari hapana.

2Anozvibata kumeso mukufunga kwake achiti:

uipi hwake haugone kuzivikanwa nokuvengwa.

3Mazwi anobva pamuromo pake akaipa

uye ndookunyengedza.

Haachaiti zvina ungwaru kana zvakanaka.

4Anoronga zvinhu zvakaipa ari paanorara

wotobva wozvirongera gwara risina kunaka;

haavengi uipi.

5Mwoyochena wenyu, TENZI, unosvika kumatenga;

uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.

6Ururami hwenyu hwakaita samakomo aMwari;

kutonga kwenyu kwaita sehwenje hwakadzika

munonunura munhu nemhuka, TENZI.

7Hakusi kukosha ikoko kwakaita mwoyochena

wenyu Mwari!

Vanhu vanopotera mumumvuri wamapapiro enyu.

8Vanodyiririra zvakawanda zvomumba menyu.

Munovanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu.

9Imi ndimi mune chisipiti choupenyu

muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.

10Rambai muchiita mwoyochena wenyu

kuna vanokuzivai

uye muponese vano mwoyo yakarurama.

11Rutsoka rwavanozvikudza ngarurege kunditsika

kana kutinhwa noruoko rwowakaipa.

12Ipapo vakaipa vachati rakata kurara,

vachati umburu pasi, vasisagoni kusimuka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help