Nziyo 132 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.Kuunzwa kweBhokisi reChitenderano noumbowo hwaDhavhidhi

1TENZI rangarirai Dhavhidhi

nenhamo dzose dzaakatiirira

2nokutsidza kwaakaita kwamuri TENZI

nemhiko yaakaita kunemi Samasimbaose waJakobho kuti,

3“Handipindi mumba mangu

kana kurara pamubhedha wangu.

4Handibvumiri maziso angu kukotsira

kana mafungiro amaziso angu kutsomwaira

5dzamara ndawanira TENZI nzvimbo,

nzvimbo yokugara yaSamasimbaose waJakobho.”

6Takanzwa nezvaro kuEfurata,

takariwana mumunda waJaari.

7Handei kwaanogara,

tindopfugamira pachitambarariko chetsoka dzake.

8Simukai TENZI muende,

kunzvimbo yenyu yokuzorora

imi nebhokisi renyu rechitenderano rine simba.

9Vapristi venyu ngavapfeke ururami

vatsvene venyu vapururudze norufaro.

10Pamusana pomuranda wenyu Dhavhidhi

musarambe muzodzwa wenyu, nokuti

11TENZI akapika kuna Dhavhidhi,

akatsidza mhiko yechokwadi

yaasingakandi pasi, achiti,

“Mumwe mwana weropa rako

ndichamugadza pachigaro

chako choumambo.

12Kana vana vako vakachengeta

chitenderano changu

nemitemo yangu yandichavadzidzisa

vana vavo vachagarawo pachigaro

chako choumambo nokusingaperi.”

13Nokuti TENZI akasarudza Zioni

akada kuti ive nzvimbo yake yokugara achiti,

14“Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokugara nokusingaperi

ndichagara pano nokuti ndakaida.

15Ndichaikomborera nezvokudya zvakawanda

ndichagutsa varombo vayo nechokudya.

16Ndichapfekedza vapristi vavo

nezvinopa ruponeso

vatsvene vavo vachapururudza norufaro.

17Ndichamutsirawo Dhavhidhi mambo ane simba,

ndakagadzirira muzodzwa wangu mwenje.

18Vavengi vake ndichavafukidza nokunyara

asi umambo hwake huchabhebha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help