Kubuda 15 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwaMosesi

1Mosesi navaIsiraeri vakabva vaimbira Tenzi rwiyo urwu vachiti:

“Ndichaimbira Tenzi

nokuti akurira zvino mukurumbira,

ngoro dzehondo navachairi vadzo,

azviti mugungwa bvuva bvuva.

2Tenzi ndiye simba rangu,

ndiye rwiyo rwangu,

ndiye mununuri wangu,

iyeyu Mwari wangu wandinorumbidza,

Mwari wababa vangu wandinopemberera.

3Tenzi igamba rehondo,

Tenzi ndiro zita rake.

4“Akakandira mugungwa ngoro dzehondo,

ngoro dzaFarao nehondo yake,

nyanzvi dzamasoja ake

mugungwa Dzvuku akadzindondomesa

5mvura zhinji ikavanyudza

vakanyura pasi pasi kuti vido sebwe!

6Rudyi rwenyu Tenzi,

ruoko rune simba rinotyisa.

Rudyi rwenyu Tenzi,

runopwanya-pwanya vavengi.

7“Noumambo hwenyu huno mukurumbira,

munobwadutsira pasi mhandu dzenyu.

Hasha dzenyu dzinovavirukira

dzichivaroromesa samashanga.

8Nehasha dzenyu makangoti furidzei,

mvura ndiye unga unga kuungana.

Mvura yegungwa yakati dzuu kumira sechidziro.

Mvura zhinji pakati pegungwa

yakanyatsoti twi kumira.

9Muvengi akati,

‘Regai ndivatevere ndivabate,

ndigoveranise zvandinenge ndapamba,

ndichitorawo zvandinoda.

Ndichavaburitsira muhara bakatwa rangu,

ndivakatakazhe noruoko rwangu,

vanyatsopera kuti dhuu.’

10Asi imi makafuridza gungwa

rikanyudza vaIjipiti,

vakanyura somutobvu mumvura zhinji.

11Pana vamwari vose,

ndiani angaenzaniswe nemi Tenzi?

Ndianiko ano mukurumbira woutsvene semi,

ano mukurumbira unotyisa ukadai,

muiti wamabasa anoshamisa?

12Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi,

nyika ikamedza vavengi vedu.

13Vanhu vamakanunura munovatungamirira,

munovatungamirira nomwoyochena wenyu.

Munovatungamirira nesimba renyu

munovaperekedza kunyika yenyu inoera.

14Ndudzi dzavanhu dzakazvinzwa

dzikadedera zvikuru,

vaFirisitia vabatwa nokutya kukuru.

15Vakuru vakuru veEdhomu vadumbirwa nokutya.

Machinda avaMoabhu ari kudedera,

vanhu vomuKanani vaparara nokutya.

16Zvava kungoti kutya zvikati kudedera

vadumbirwa nazvo

vachiti nazvo papata sedombo nokutya,

pamusana pesimba renyu guru,

kusvikira vanhu venyu Tenzi vapfuura pavari,

kusvikira vanhu venyu vamakanunura muuranda,

vapfuura pavari.

17Muchaenda navo mugovasima pagomo renyu.

Ndiyo nzvimbo yamakasarudza imi Tenzi

kuti ive musha wenyu,

Nzvimbo Inoera yamakagadzirira namaoko enyu.

18Tenzi achatonga kusvikira narini narini.”

19Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma.

Rwiyo rwaMiriamu

20Muprofita Miriamu, hanzvadzi yaAroni, akatora katambureni kake, vanhukadzi vose vakabva vamutevera vachiridzawo tambureni dzavo vachitamba.

21Miriamu akashaura vachiti;

“Imbirai Tenzi nokuti akurira,

akurira zvino mukurumbira,

ngoro dzehondo navachairi vacho

azviti mugunwa bvuva bvuva.”

II: RWENDO RWAVAISIRAIERI MURENJEMvura yapaMara yaikarakata kuvava

22Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura.

23Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara.

24Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?”

25Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here

26akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.”

27Vakazondosvika kuErimu paiva namatsime gumi namaviri. Paivawo nemiti yomurara makumi manomwe. VaIsiraeri vakadzika matendhe avo ipapo paiva nemvura.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help