Ezekieri 19 - Shona Common Language Bible(SCLB)

Rwiyo rwokuchema nhamo

1Chiimba rwiyo rwokuungudza kuchema machinda eIsiraeri

2uchiti:

“Ii-i amai vako vaiva shumba chaiyo

pane dzimwe shumba,

yaiti pasi hwatata

pakati peshumba diki ichirera vana vayo.

3“Yakayarutsa mumwe mwana wayo

akava mukono uchiri kuzvinzwa,

yakadzidza udzimba hwokubata nyama

ikadya vanhu.

4Runyerekupe rwezvazvo

rwakazengezanwa mumarudzi,

yakawira muhunza yavo.

Vakaiendesa iine zvikochekero kunyika yeIjipiti.

5“Payakaona kuti

zvayaitarisira zvaponga,

chitarisiro chayo chapera,

yakatora mumwe mwana wayo ikamuita kuti

ave chimukono cheshumba.

6Chaizvikakanyadza mukati medzimwe shumba

chikava chimukono chaicho cheshumba,

yakadzidza udzimba hwokubata nyama

yakava yokudya vanhu.

7Yakabvongodza munhare dzavo dzokuhwanda muhondo,

ikaparadza maguta avo;

nyika navagari vomo

ikashaya pokuisa mwoyo nokutya

payainge yodzvova.

8“Marudzi akaiteya kumativi ose.

Vakaikanda mambure avo

ikabva yabatwa muhunza yavo.

9Iine zvikochekero kudaro

vakaipfigira muchizarira

vakaiendesa kuna mambo weBhabhironi

vakaizaririra muchitokisi

kuti pasave neanonzwa izwi rayo

mumakomo eIsiraeri.

10“Amai vako vaiva somugirepisi

wakarimwa mumunda wamagirepisi

wakasimwa pedyo nemvura

unowa michero wakati mapazi sarara

pamusana pemvura zhinji.

11Mapazi awo akaita hunde

akakura kuita tsvimbo dzoumambo, wakareba mudenga

nomukati megwindingwi ramapaazi.

Nokureba kwawo uchioneka wakati dzu-u mudenga

uina mazhinji mapazi.

12“Asi mugirepisi iwoyo

wakadzipurwa nehasha ukarigirwa pasi,

mhepo yokumabvazuva yakauomesa

michero yawo ikakurumurwa.

Hunde yawo yakasvava

ukaroromeswa nomoto.

13Zvino wakasimwa mugwenga

munyika yakaoma ine nyota.

14Moto wakabva pahunde yacho

ukaroromesa mapazi awo

nomuchero wawo zvokuti pauri

pakanga pasisina rumuti rwakasimba runogona

kana kuitwa tsvimbo youmambo.”

Irworu rwiyo rwokuungudza rwava rwiyo rwokuungudza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help