1 Nhoroondo Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Bible(SCLB)
Zviri mubhuku rino Mabhuku eNhoroondo ari maviri, ari muchikwata chimwechete namabhuku anonzi Ezira naNehemiya. Mabhuku eNhoroondo ari maviri ane zvimwechetezvo zviri mumabhuku aSamueri ari maviri neeMadzimambo ari maviriwo. Mabhuku eNhoroondo haasi kungodzokorora zviri mumabhuku aSamueri naaMadzimambo kwete. Akanyorerwa kuti atsanangurire vaIsiraeri, zvikuru avo vakanga vadzoka kuutapwa, kuti rungano rwose rwavaIsiraeri kubvira pana mambo Dhavhidhi kusvika mugore rakaudzwa vaJudha naSirasi kundovakazve Temberi yaMwari kuJerusaremu rwunorevei. Mwari ari kuti kudii kwavari? Mabhuku aya anotarisa nhoroondo yavaIsiraeri norumwe rutivi. Mabhuku aya anosimbisisa kwazvo kukosha kweTemberi noukuru hwedzinza rokwaJudha makabuda mambo Dhavhidhi. Bhuku rino rine zvidimbu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvezvizvarwa zvavaIsiraeri kusvika panemba yokwaDhavhidhi, zvichiratidza kuti Mwari anochengetedza chitenderano chake navaIsiraeri pagomo reSinai. Chechipiri chinotaura nezvekutonga kwaDhavhidhi kusvikira pakugadzirira kwake kuvaka Temberi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rokutanga reNhoroondo.Zvizvarwa zvavanhu (1:1—9:44)Rufu rwamambo Sauro (10:1–14)Kutonga kwaDhavhidhi (11:1—29:20)a) Kugadzwa kwaDhavhidhi umambo (11:1—12:40)b) Zvakakwanisa kuitwa naDhavhidhi (13:1—22:1)c) Kugadzirira kuvaka Temberi (22:2—29:30)