1Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi. Vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo.
2Ndikaona chakaita segungwa rinoonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakauya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinoonekera, vanohudimbwa hwaMwari.
3Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti, “Ishe, Mwari waMasimbaose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi.
4“Ndianiko angarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.”
5Shure kwaizvozvo ndakaona temberi yetabhenakeri yohuchapupu yokudenga yakazarurwa;
6mutemberi mukabuda vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenya, vakasungwa pazvipfuva zvavo namabhanire endarama.
7Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperi-peri.
8Temberi ikazara nohutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu akagona kupinda patemberi, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.