Mapisarema 79 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Mwari ngaakanganwire vanhu vake, avarwirePisarema raAsafi.

1Haiwa Mwari, vahedheni

vakapinda panhaka yenyu;

Vakasvibisa temberi yenyu tsvene;

Jerusaremu vakariita dongo.

2Zvitunha zvavaranda venyu vakazvipa

shiri dzokudenga zvive zvokudya zvadzo.

Uye nyama yavatsvene venyu

vakaipa zvikara zvapasi.

3Vakateura ropa ravo pose-pose paJerusaremu semvura;

Vakashaiwa anovaviga.

4Tava chinhu chinoshorwa navatigere navo,

Chinhu chinozvidzwa nechinosekwa navakatipoteredza.

5Haiwa Jehovha, mucharamba makatsamwa

nokusingaperi kusvikira riniko?

Godo renyu richapfuta somoto here?

6Dururai hasha dzenyu pamusoro

pavahedheni vasingakuziviyi,

Napamusoro poushe huzhinji, husingadi zita renyu.

7Nokuti vakapedza Jakobho,

Vakaparadza ugaro hwake.

8Musarangarira kutirova pamusoro

pezvakaipa zvamadzibaba edu;

Ngoni dzenyu nyoro ngadzikurumidze kusangana nesu;

Nokuti taneta kwazvo.

9Tibatsirei, Mwari muponesi wedu,

nokuda kwomukurumbira wezita renyu;

Mutirwire, mudzime zvivi zvedu

nokuda kwezita renyu.

10Vahedheni vacharevereiko, vachiti,

“Mwari wavo aripiko?”

Kutsihwa kweropa ravaranda venyu, rakateurwa,

Ngakuzikanwe pakati pavahedheni pamberi pedu.

11Kugomera kwomusungwa ngakusvike kwamuri;

Noukuru hwesimba renyu chengetai vana vorufu;

12Mutsivire vagere nesu kanomwe pachipfuva chavo.

Kushora kwavakakushorai nako, imi Ishe.

13Naizvozvo isu vanhu venyu,

namakwai amafuro enyu,

Tichakuvongai nokusingaperi;

Ticharatidza kurumbidzwa kwenyu

kumarudzi namarudzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help