Mapisarema 139 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jehovha Muzivi noMuoni wezvoseKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva.

2Munoziva kugara kwangu pasi

nokusimuka kwangu,

Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.

3Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi,

Munoziva nzira dzangu dzose.

4Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu,

Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.

5Makandikomberedza shure kwangu nemberi,

Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo;

Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.

7Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu?

Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?

8Kana ndingakwira kudenga muripo;

Kana ndikazviwarira nhoo paSheori,

tarirai muripowo.

9Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani,

Ndikandogara pamigumo yegungwa;

10Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa,

Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa,

11Kana ndikati, “Zvirokwazvo,

rima richandifukidza,”

Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku;

12Kunyange rima haringandivanzi kwamuri,

Asi usiku hunopenya samasikati;

Rima nechiedza zvakafanana.

13Nokuti imi makaumba itsvo dzangu;

Makandiruka mudumbu ramai vangu.

14Ndichakuvongai; nokuti ndakaitwa

nomutoo unotyisa unoshamisa;

Mabasa enyu anoshamisa;

Mweya wangu unozviziva kwazvo.

15Mapfupa angu akanga asina

kuvanzwa kwamuri,

Panguva yandakaitwa pakavanda,

Pakuumbwa kwangu nenjere

panzvimbo dzezasi dzapasi.

16Meso enyu akaona muviri wangu

uchigere kukwaniswa,

Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu,

Zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo,

Kusati kwava nechimwe chazvo.

17Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei nei!

Yakakura sei pakuverengwa kwayo!

18Kana ndikaiverenga, ingapfuura

jecha pakuwanda;

Kana ndichipepuka, ndichinemi.

19Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari;

Naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa.

20Nokuti vanokutaurirai zvakaipa,

Vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina.

21Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha?

Handine shungu here navanokumukirai?

22Ndinovavenga nembengo huru;

Vava vavengi vangu.

23Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu;

Ndiidzei, muzive ndangariro dzangu;

24Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri,

Mundifambise munzira isingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help