1Farisai munaJehovha, imi vakarurama;
Kurumbidza kwakafanira vakarurama.
2Vongai Jehovha nembira;
Muimbirei nziyo dzokurumbidza
nomutengeranwa une hungiso dzine gumi.
3Muimbirei rwiyo rutsva;
Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.
4Nokuti shoko raJehovha rakarurama,
Anoita zvose nokutendeka.
5Iye anoda kururama nokururamisa;
Nyika izere nounyoro hwaJehovha.
6Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha,
Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake.
7Anounganidza mvura zhinji yegungwa
pamwechete somurwi;
Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.
8Nyika yose ngaitye Jehovha;
Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.
9Nokuti iye akataura, zvikaitika;
Akaraira, zvikamira zvikasimba.
10Jehovha anoparadza zano ravahedheni;
Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.
11Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi,
Nendangariro dzomwoyo wake
kusvikira kundudzi dzose.
12Rwakakomborerwa rudzi rwakaita
Jehovha Mwari warwo;
Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.
13Jehovha anotarira ari kudenga;
Anoona vanakomana vose vavanhu;
14Anotarira ari ipapo paagere
Achiona vanhu vose vagere panyika.
15Iye anoumba mwoyo yavo vose,
Anocherekedza mabasa avo ose
16Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo;
Mhare hairwirwi nesimba guru.
17Bhiza haribatsiri pakukunda;
Harigoni kurwira nesimba raro guru.
18Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya,
Ivo, vanorindira tsitsi dzake;
19Kurwira mweya wavo parufu,
Nokuvararamisa panguva yenzara.
20Mweya yedu yakarindira Jehovha;
Ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
21Nokuti mwoyo yedu ichafara kwazvo maari,
Zvatakavimba nezita rake dzvene.
22Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha,
Sezvatakakurindirai.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.