Mapisarema 98 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jehovha Mambo noMutongi ngaarumbidzwe

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;

Nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;

Chanza chake chorudyi, noruoko

rwake rutsvene, zvakamukundisa.

2Jehovha akazivisa kuponesa kwake;

Akaratidza pachena kururama kwake

pamberi pavahedheni.

3Akarangarira ngoni dzake nokutendeka

kwake kuimba yaIsiraeri;

Migumo yose yapasi yakaona

kuponesa kwaMwari wedu.

4Pururudzai Jehovha, pasi pose;

Danidzirai, muimbe nomufaro,

imbai nziyo dzokurumbidza.

5Imbirai Jehovha nziyo

dzokurumbidza nembira;

Nembira, uye nezwi rokuimba.

6Nehwamanda, nezwi romumanzi

Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.

7Gungwa ngaritinhire nezvose zviri

mukati maro;

Nenyika, navanogaramo.

8Nzizi ngadziuchire;

Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;

9Pamberi paJehovha, nokuti anouya

kuzotonga pasi,

Achatonga nyika zvakarurama,

Navanhu nokururama.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help