Varoma 16 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Onekano

1Ndinoreverera kwamuri Fibhi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenikiria.

2Kuti mumugamuchire muna Ishe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose zvaangashayiwa; nokuti iye amene akabatsira vazhinji, neniwo ndimene.

3Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu,

4vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu hwangu; vandisingavongi ini ndoga, asi nekereke dzose dzavahedheni.

5Ndikwazisireiwo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwi wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.

6Ndikwazisirei Maria, akakubatsirai zvikuru.

7Ndikwazisirei Andironiko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwechete neni, vakakurumbira pakati pavapostori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.

8Ndikwazisirei Amupiriato, mudikanwi wangu muna Ishe.

9Ndikwazisirei Uribhano, anobata nesu muna Kristu, naSitako, mudikanwi wangu.

10Ndikwazisirei Apere, akatendwa muna Kristu. Ndikwazisirei vokwaArisitobhuro.

11Ndikwazisirei Herodhio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vokwaNarikiso, vari muna Ishe.

12Ndikwazisirei Tirifaina naTirifosa, vanobata muna Ishe. Ndikwazisirei Pesisi, mudikanwi, akabata zvikuru muna Ishe.

13Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwi muna Ishe, naamai vake, navangu.

14Ndikwazisirei Asinikiroto, naFiregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, nehama dziri kwavari.

15Ndikwazisirei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOrimipasi, navatsvene vose vari kwavari.

16Kwazisanani nokutsvoda kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.

17Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imi; muvanzvenge.

18Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera mwoyo yavasina zvakaipa namashoko avo akanaka, anobata kumeso.

19Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina njere kune zvakaipa.

20Zvino Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.

Nyasha dzaIshe wedu Jesu

ngadzive nemi.

21Timoti, anobata neni, anokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatirosi, vorudzi rwangu.

22Ini Teritiosi, anonyora tsamba iyi, ndinokukwazisai muna Ishe.

23Gayo, akandigamuchira ini nekereke yose, anokukwazisai.

25Zvino iye, anogona kukusimbisai, sezvinoreva Vhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurehwa nguva dzisingaperi,

26asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarayirwa naMwari asingaperi, kuti vateerere nokutenda;

27iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help