2 VaKorinde 2 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Asi ndakati mumwoyo mangu, kuti handidi kuuyazve kwamuri nokuchema.

2Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achandifadza, kana asiri iye akachemedzwa neni?

3Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.

4Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.

5Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisa imi mose.

6Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.

7Naizvozvo zviri nani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu huru.

8Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.

9Nokuti ndakanyorawo izvi, kuti ndikuedzei, ndizive kana munoteerera pazvinhu zvose.

10Zvino iye wamunoregerera, neni ndinomuregererawo; nokuti izvo zvandakaregererwa ini, kana ndinenge ndakaregererwa chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;

11kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti mano ake tinoaziva.

Zvibereko zvokuparidza kwaPauro

12Zvino, ndakati ndichisvika paTuroasi kuparidza Vhangeri yaKristu, ndichizarurirwa musuo muna Kristu,

13ndakanga ndisina zororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakaonekana navo, ndikaenda Makedhonia.

14Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose muna Kristu, anoratidza nesu kwose-kwose hwema hwokuziva kwake.

15Nokuti isu tiri hwema hwakanaka hwaKristu kuna Mwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.

16Kuna vamwe tiri hwema hworufu hunoisa kurufu; kuna vamwe hwema hwoupenyu hunoisa kuupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa zvinhu zvakadai?

17Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura muna Kristu nechokwadi, sechinobva kuna Mwari, pamberi paMwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help