2 VaTesaronika 3 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Anovarayira nokuonekana navo

1Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raIshe ripfuure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyuwo;

2uye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.

3Asi Ishe ndiye akatendeka, achakusimbisai, nokukuchengetai kune wakaipa.

4Tinokutendai muna Ishe, kuti munoita, uye mucharamba muchiita, izvo zvatinokurayarai.

5Ishe ngaaruramise mwoyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.

6Zvino, hama dzangu, tinokurayirai nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirayiro yamakapiwa nesu;

7nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;

8hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;

9hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.

10Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurayirai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.”

11Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.

12Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene.

13Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.

14Kana pano munhu asingateereri shoko redu remutsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe.

15Regai henyu kumuedza muvengi, asi mumurayire sehama.

16Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitoo yose. Ishe ngaave nemi mose.

17Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora kudai.

18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help