1Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo;
2zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
3zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamawindo vasvibirwa;
4mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nezwi rokukuya richidedera; kana achimuka nezwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
5Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi vachafamba-famba panzira dzomumusha;
6rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
7guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
8Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!”
Itya Mwari uchengete mirairo yake9Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
10Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
11Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa; akapiwa noMufudzi mumwechete.
12Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
13Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
14Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.