1Jehovha, ndakadana kwamuri;
kurumidzai kuuya kwandiri;
Teererai izwi rangu kana ndichidana kwamuri.
2Munyengetero wangu ngauve
pamberi penyu sezvinonhuwira;
Nokusimudzwa kwamaoko angu
sechipiriso chamadekwana.
3Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu;
Chengetai mukova wemiromo yangu.
4Regai kurerekesa mwoyo wangu
kuchinhu chakaipa,
Kuti ndiite zvakaipa
Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama.
5Akarurama ngaandirove netsitsi;
Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu;
Musoro wangu haungaarambi;
Nokuti ndicharamba ndichinyengetera
pamusoro pokuipa kwavo.
6Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo;
Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka.
7Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa,
Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa
pamuromo weSheori.
8Nokuti meso angu anotarira kwamuri,
Jehovha Ishe;
Ndinovimba nemi; regai kudurura
upenyu hwangu.
9Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera,
Naparugombe rwavanoita zvisina kururama.
10Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene,
Asi ini ndidarike hangu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.