Jeremiya 8 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1“Nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha uchabvisa pamahwiro avo mapfupa amadzimambo avaJudha, namapfupa amachinda avo, namapfupa avapristi, namapfupa avaporofita, namapfupa avaigara paJerusaremu;

2vachaaparadzira panopenya zuva nomwedzi nehondo yose yokudenga, izvo zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaivinga, nezvavainamata; haangaunganidzwi, kana kuvigwa, asi achava mupfudze panyika.

3Rufu ruchasanangurwa kupfuura hupenyu navose vakasara panzvimbo dzose kwandakavadzingira” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

Kutsauka kwavanhu vaJehovha nokurohwa kwavo

4Zvino unofanira kuti kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Ko vanhu vangawa, vakasazomukazve here? Munhu ungatsauka, akasazodzoka here?’

5Zvino vanhu ava veJerusaremu vakadzokereiko nokudzokera kusingatongoperi? Vanonamatira kunyengera, vanoramba kudzoka.

6Ndakaterera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, ‘Ndaiteiko?’ Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.

7Zvirokwazvo, zvimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.

8Munoreva seiko, muchiti, ‘Takachenjera, murayiro waJehovha tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera.’

9Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?

10Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira pfuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.

11Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, ‘Rugare, rugare!’ Izvo hakuna rugare.

12“Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete, havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa; panguva yokurohwa kwavo vachagumburwa ndizvo zvinotaura Jehovha.

13“Ndichavapedza chose,” ndizvo zvinotaura Jehovha; “Hakungavi namadzambiringa pamudzambiringa, kana maonde pamuonde, namashizha achaoma ndakaraira vachavakukura.

14“Tinogarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifirepo; nokuti Jehovha Mwari wedu wakatiuraya, akatipa mvura inouraya kuti tiinwe; nokuti takatadzira Jehovha.

15Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.

16Kufemhedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.

17“Nokuti tarirai, ndichatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicharamba kuroyiwa; dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

18Haiwa, dai ndaigona hangu kuzvinyaradza pakuchema kwangu! Mwoyo wangu waziya mukati mangu.

19Inzwai, inzwi rokuchema kwomukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, “Ko Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?”

20“Kucheka kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa.”

21Ini ndinokuvadzwa nokuda kwokukuvadzwa kwomukunda wavanhu vangu; ndinochema, ndabatwa nokuvhunduswa.

22Ko hakuna muti webharisami muGireadhi here? Hakune n'anga ko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help