Jobho 17 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Vanhu havamunzwisisi, saka Jobho anokumbira kuti Mwari amururamisire

1Mweya wangu wapera, mazuva angu adzima,

Hwiro hunondimirira.

2Zvirokwazvo, vanondiseka vaneni;

Ziso rangu rinoramba richiona kutsamwa kwavo.

3Zvino ndipikirei, muve rubatso rwangu kwamuri;

Ndianiko achabatana maoko neni?

4Nokuti makavanzira mwoyo yavo kunzwisisa;

Naizvozvo hamungavakudzi.

5Iye, anokwirira shamwari dzake kuti dzitapwe,

Meso avana vake achapera.

6Iye akandiita shumo pakati pavanhu;

Ndinosemwa pachena.

7Ziso rangu harichaoni nemhaka yokuchema,

Mitezo yangu yose yafanana nomumvuri.

8Vanhu vakarurama vachakanuka nazvo,

Asine mhaka achamukira vasingadi Mwari.

9Kunyange zvakadaro akarurama acharambira panzira yake,

Uye ana maoko akanaka acharamba achisimba.

10Asi imi mose dzokai, muuye zvino;

Nokuti handingawani munhu akangwara pakati penyu.

11Mazuva angu apfuura, zvandaivavarira zvakona,

Iyo mifungo yomwoyo wangu.

12Vanoshandura usiku ave masikati;

Vanoti, “Chiedza chiri pedyo nerima.”

13Kana ndine tariro, Sheori ndiyo imba yangu;

Ndakawadza nhovo yangu murima;

14Ndakati kuhwiro, “Ndiwe baba vangu;”

Nokuhonye, “Ndiwe mai vangu nehanzvadzi yangu;”

15Zvino tariro yangu iripiko?

Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?

16Ichaburukira kumazariro eSheori,

Kana zororo yavapo paguruva.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help