1Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
2“Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava
neshungu here?
Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?
3Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji,
Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.
4Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa,
Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda.
5Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba;
Zvakubata, zvino wotambudzika.
6Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here?
Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
7Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara?
Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?
8Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa,
Navanodyara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
9Vanoparadzwa nomweya waMwari,
Vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake.
10Kunduruma kweshumba nezwi
reshumba inehasha,
Nameno evana veshumba anoparadzwa.
11Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata;
Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.
12Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda;
Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro.
13Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku,
Kana vanhu vabatwa nehope huru;
14Kutya nokubvunda kwakandiwira,
Kwakabvundisa mapfupa angu ose.
15Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu;
Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
16Wakamira, asi ndakanga
ndisingagoni kuona kuti akadini;
Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu;
Kunyarara kukavapo, ndikanzwa izwi richiti,
17‘Ko munhu, anofa, angakunda
Mwari pakururama here?
Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?
18Tarirai, haatendi varanda vake;
Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;
19Ndoda vanogara mudzimba dzevhu,
Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva,
Dzinopwanyiwa sezvivhundudzi.
20Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana;
Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.
21Ko bote retente ravo harina
kuvhomorwa pamwechete navo here?
Vanofa vasina uchenjeri.’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.