Ezekieri 6 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kutukwa kwamakomo aIsiraeri

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

2“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kumakomo aIsiraeri, uporofite pamusoro pawo,

3uti, ‘Imi makomo avaIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kumipata nokumapani, tarirai, ini, iyeni, ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.

4Maaritari enyu achaitwa matongo, nezvifananidzo zvenyu nezuva zvichakoromorwa; vanhu venyu, vakaurawa, ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu.

5Ndicharadzika zvitunha zvavana vaIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose amaaritari enyu.’

6“Pose pamugere maguta achaparadzwa, nenzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti maaritari enyu aparadzwe aitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nezvamakabata zvose zviparadzwe.

7Vakaurawa vachawira pasi pakati penyu, nemi muchaziva kuti ndini Jehovha.

8“Kunyange zvakadaro ndichachengeta vakasara, nokuti vamwe venyu vachavapo vachapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muchiparadzirwa kunyika dzose.

9Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa mwoyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose.

10Zvino ivo vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvozvo.”

11Zvanzi naIshe Jehovha, “Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, ‘Maiwe!’ Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurawa nomunondo nenzara nehosha yakaipa.

12Ari kure achafa nehosha yakaipa, ari pedyo achaurawa nomunondo, akasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo.

13Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurawa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maaritari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomouki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka.

14Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help