1Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,
Ndiye mubatsiri ari pedyo-pedyo
panguva dzokumanikidzwa.
2Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka,
Uye kunyange makomo akabviswa
akaiswa mukati mamakungwa;
3Kunyange mvura zhinji yawo
ikatinhira nokumutswa,
Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.
4Rwizi ruripo, rune hova dzinofadza guta raMwari,
Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri
dzo Wokumusorosoro.
5Mwari ari mukati maro; haringazununguswi;
Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.
6Vahedheni vakaita bope, hushe hwakazununguswa;
Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
7Jehovha wehondo anesu;
Mwari waJakobho inhare yedu.
8Uyai muone mabasa aJehovha,
Zvishamiso zvaakaita panyika.
9Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika;
Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo;
Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.
10“Nyararai, muzive kuti ndini Mwari;
Ndichava mukuru pakati pavahedheni,
ndichava mukuru panyika.”
11Jehovha wehondo anesu;
Mwari waJakobho inhare yedu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.