1 VaTesaronika 1 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kwaziso

1Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika, iri muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare.

Kuvonga kwaPauro

2Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;

3tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;

4tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.

5Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.

6Nemi makava vateveri vedu navaIshe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;

7naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.

8Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.

9Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; uye, kuti makatendeukira kuna Mwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wachokwadi,

10nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotisunungura pakutsamwa kunouya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help