Mapisarema 85 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jehovha ndiye MubatsiriKumutungamiriri wokuimba. Pisarema ravanakomana vaKora.

1Jehovha, makafarira nyika yenyu;

Makadzosa Jakobho pakutapwa.

2Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu,

Makafukidza zvivi zvavo zvose.

3Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose;

Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.

4Tidzosei, Mwari muponesi wedu,

Gumisai hasha dzenyu kwatiri.

5Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi?

Muchasvitsa kutsamwa kwenyu

kumarudzi namarudzi here?

6Imi hamungatiraramisizve here,

Kuti vanhu venyu vafare nemi?

7Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha,

Mutipe ruponeso rwenyu.

8Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha;

Nokuti achataura rugare kuvanhu vake,

nokuvatsvene vake;

Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.

9Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedyo navanomutya;

Kuti kubwinya kugare munyika yedu.

10Ngoni nezvokwadi zvakasangana;

Kururama norugare zvakatsvodana.

11Zvokwadi zvinomera pasi;

Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.

12Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka;

Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.

13Kururama kuchamutungamirira;

Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help