Mapisarema 41 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Munyengetero pakurwaraKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Akakomborerwa ane hanya navarombo;

Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa.

2Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa,

achakomborerwa panyika;

Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake.

3Jehovha achamutsigira panhoo yourwere;

Munoshandura nhoo dzake dzose

pakurwa kwake.

4Ini ndakati, “Jehovha, ndinzwirei tsitsi;

Poresai mweya wangu; nokuti ndakakutadzirai.”

5Vavengi vangu vanotaura zvakaipa

pamusoro pangu, vachiti,

“Uchagofa riniko, zita rake rirove?”

6Kana mumwe achiuya kuzondiona,

anotaura zvisina maturo;

Mwoyo wake unozviunganidzira zvakaipa;

Kana obuda kumwe, anozviparidza.

7Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve

pamwechete pamusoro pangu;

Vanorangana kundikuvadza.

8Chinhu chakaipa chakamunamatira

ndizvo zvavanotaura;

Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve.

9Haiwa, kunyange shamwari yangu

chaiyo, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu,

Naiye andisimudzira chichitsinho chake.

10Asi imi Jehovha, ndinzwirei tsitsi,

mundisimudzei,

Kuti ndivatsive.

11Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti

munofadzwa neni,

Nokuti muvengi wangu haandikundi.

12Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu,

Munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

13Jehovha, Mwari waIsiraeri, ngaavongwe,

Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi

Ameni, zvirokwazvo Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help