1Akakomborerwa ane hanya navarombo;
Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa.
2Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa,
achakomborerwa panyika;
Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake.
3Jehovha achamutsigira panhoo yourwere;
Munoshandura nhoo dzake dzose
pakurwa kwake.
4Ini ndakati, “Jehovha, ndinzwirei tsitsi;
Poresai mweya wangu; nokuti ndakakutadzirai.”
5Vavengi vangu vanotaura zvakaipa
pamusoro pangu, vachiti,
“Uchagofa riniko, zita rake rirove?”
6Kana mumwe achiuya kuzondiona,
anotaura zvisina maturo;
Mwoyo wake unozviunganidzira zvakaipa;
Kana obuda kumwe, anozviparidza.
7Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve
pamwechete pamusoro pangu;
Vanorangana kundikuvadza.
8Chinhu chakaipa chakamunamatira
ndizvo zvavanotaura;
Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve.
9Haiwa, kunyange shamwari yangu
chaiyo, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu,
Naiye andisimudzira chichitsinho chake.
10Asi imi Jehovha, ndinzwirei tsitsi,
mundisimudzei,
Kuti ndivatsive.
11Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti
munofadzwa neni,
Nokuti muvengi wangu haandikundi.
12Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu,
Munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
13Jehovha, Mwari waIsiraeri, ngaavongwe,
Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi
Ameni, zvirokwazvo Ameni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.