Jobho 9 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jobho haapiwi mhaka nehana yake, asi anoziva kuti hakuna munhu ungazviruramisa pamberi paMwari, nokuti iye anoita sezvaanoda

1Ipapo Jobho akapindura, akati,

2“Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo,

Nokuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?”

3Kana iye akada kuita nharo naye,

Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru.

4Iye ano mwoyo wakangwara, une simba guru;

Ndianiko akamuomesera mwoyo wake, akazofara?

5Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi,

Kana achiashandura pakutsamwa kwake.

6Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo,

Mbiru dzayo dzinodengenyeka.

7Iye anoraira zuva, rikarega kubuda;

Iye anodzitira nyeredzi.

8Iye oga anotatamura denga,

Anotsika pamusoro pamafungu egungwa.

9Iye anoita nyeredzi dzeAkituro,

nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu,

Namakamuri enyasi.

10Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi,

Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa.

11Tarira, anopfuura pedyo neni, ndisingamuoni;

Anopfuurawo hake, asi handimuoni.

12Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa?

Ndiani angati kwaari, “Unoiteiko?”

13Mwari haangadzori kutsamwa kwake;

Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake.

14Ko zvino ini ndichamupindura seiko,

Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye?

15Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura;

Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu.

16Kana ndichinge ndadana, akandipindura,

Kunyange zvakadaro

handizaitenda kuti akanzwa izwi rangu.

17Nokuti anondiputsa nedutu remhepo,

Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu.

18Handitenderi kutema mweya wangu,

Asi anondizadza nezvinovava.

19Kana riri simba guru, tarira, iye anaro!

Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva?

20Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu

umene uchandipa mhaka;

Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.

21Ndakakwana hangu, handizvirangariri;

Ndinozvidza upenyu hwangu.

22Zvose zvakafanana hazvo; saka ndinoti,

“Iye anoparadza vakarurama navakaipa vose.”

23Kana nyatwa ichinge yauraya nokukurumidza,

Iye achaseka njodzi yavasina mhosva.

24Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa;

Iye anofukidza meso avatongi vayo;

Kana asiri iye, zvino ndianiko?

25Zvino mazuva angu anokurumidza

kupfuura mumhanyi;

Anotiza asina kuona zvakanaka.

26Apfuura sezvikepe zvinomhanyisa;

Segondo rinokurumidzira chiurawa.

27Kana ndikati, “Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu,

Ndicharega chiso changu chinopunyaira, ndifare hangu.”

28Ndinotya njodzi dzangu dzose,

Ndinoziva kuti hamungati handine mhosva.

29Ndichapiwa mhosva;

Zvino ndinotamburireiko zvisina maturo?

30Kana ndikangura nemvura yechando,

Ndikachenesa maoko angu kwazvo;

31Kunyange zvakadaro imi mungandinyudza mumatope,

Nenguo dzangu dzichandisema.

32Nokuti iye haazi munhu

akafanana neni, kuti ndimupindure,

Kuti tikwirirane pakutonga.

33Hakuna mununuri pakati pedu,

Ungatibata tose noruoko rwake.

34Ngaabvise shamhu yake kwandiri,

Hasha dzake dzirege kundityisa;

35Ipapo ndaitaura, ndisingamutyi;

Nokuti handizakadaro hangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help