Mapisarema 106 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Ngoni dzaJehovha kuna Isiraeri dzinorumbidzwa

1Hareruya.

Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2Ndianiko angareva zvinhu zvine simba

zvakaitwa naJehovha,

Kana kududzira kurumbidza kwake kwose?

3Vakaropafadzwa vanochengeta kururama,

Naiye anoita zvakarurama nguva dzose.

4Ndirangarirei Jehovha, nounyoro

hwamunahwo kuvanhu venyu;

Ndishanyirei noruponeso rwenyu.

5Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu,

Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu,

Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu.

6Takatadza pamwechete namadzibaba edu,

Takaita pamwechete namadzibaba edu,

Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa.

7Madzibaba edu haana kunzwisisa

zvishamiso zvenyu paIjipiti;

Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji;

Asi vakakumukirai pagungwa, ipo

paGungwa Dzvuku.

8Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda

kwezita rake,

Kuti azivise simba rake guru.

9Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa,

Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani.

10Akavaponesa paruoko rwowaivavenga.

Akavadzikinura paruoko rwomuvengi.

11Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo;

Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara.

12Ipapo vakatenda mashoko ake;

Vakaimba vachimurumbidza.

13Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake;

Havana kurindira zano rake.

14Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje,

Vakaidza Mwari mugwenga.

15Akavapa chavakakumbira;

Asi akatuma kuonda mumweya yavo.

16Vakagodora Mosesi pamisasa,

NaAroni, mutsvene waJehovha.

17Pasi pakashama pakamedza Dhatani,

Pakafukidza boka raAbhirami.

18Moto ukapfuta pakati peboka ravo;

Murazvo ukapisa vakaipa.

19Vakaita mhuru paHorebhi,

Vakanamata mufananidzo wakaumbwa.

20Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo

Nomufananidzo wemombe, inochera bundo.

21Vakakanganwa Mwari muponesi wavo,

Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti;

22Mabasa anoshamisa munyika yaHamu,

Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.

23Saka akati, “Ndinoda kuvaparadza;

Dai Mosesi musanangurwa wake

asina kumira pamberi pake ipo pakuputsika,

Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.”

24Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza,

Havana kutenda shoko rake;

25Asi vakanyunyuta mumatende avo,

Vakasateerera izwi raJehovha.

26Saka wakavasimudzira ruoko rwake.

Kuti avaparadze murenje;

27Uye kuti aparadze vana vavo

pakati pavahedheni.

Avaparadzire panyika dzose.

28Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori,

Vakadya zvakabayirwa vakafa.

29Naizvozvo vakamutsamwisa

nezvavakaita;

Denda ndokupinda pakati pavo.

30Ipapo Pinehasi akasimuka,

akaita zvakarurama;

Denda ndokuguma.

31Izvozvo zvikanzi kwaari kururama,

Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.

32Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha,

Naizvozvo Mosesi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;

33Nokuti vakamukira mweya wake,

Iye akataura nehasha nemiromo yake.

34Havana kuparadza ndudzi dzavanhu,

Sezvavakanga varairwa naJehovha;

35Asi vakavengana navahedheni,

Vakadzidza mabasa avo;

36Vakashumira zvifananidzo zvavo;

Izvo zvikava musungo kwavari.

37Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa

vanakomana vavo navanasikana vavo,

38Vakateura ropa risina mhosva,

iro ravanakomana vavo navanasikana vavo,

Vakavabayira zvifananidzo zveKanani;

Nyika ikasvibiswa neropa.

39Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo,

Vakapata pane zvavakaita.

40Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake,

Akasema nhaka yake.

41Akavaisa muruoko rwavahedheni;

Vakavavenga ndivo vaivabata.

42Vavengi vavo vakavamanikidzawo,

Vakaiswa pasi poruoko rwavo.

43Akavarwira kazhinji,

Asi vakamumukira pakurangana kwavo,

Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo.

44Kunyange zvakadaro akatarira

kutambudzika kwavo,

Panguva yaakanzwa kuchema kwavo;

45Akarangarira sungano yake nokuda kwavo,

Akazvidemba nokuda kwokuwanda

kwengoni dzake.

46Akavanzwisawo tsitsi

Navose vakanga vavatapa.

47Tiponesei, Jehovha Mwari wedu,

Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni,

Kuti tivonge zita renyu dzvene,

Tifarisise pakukurumbidzai.

48Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe,

Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.

Vanhu vose ngavati, “Ameni.”

Hareruya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help