Isaya 12 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Rwiyo rwokuvonga

1Nezuva iro uchati, “Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.

2Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.”

3Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.

4Zvino nezuva iro muchati, “Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.

5“Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.

6Danidzira upururudze, iwe ugere paZioni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help