Jobho 33 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Erihu anotuka Jobho, Mwari haazi muvengi wavanhu, asi anovadzidzisa nemitowo mizhinji

1Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu,

Teererai mashoko angu ose.

2Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu,

Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu,

3Mashoko angu achadudzira kururama kwomwoyo wangu;

Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi.

4Mweya waMwari wakandiita,

Kufuridzira kwowaMasimbaose

kunondipa upenyu.

5Kana mukagona, chindipindurai henyu;

Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.

6Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari;

Neniwo ndakahumbwa nevhu.

7Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi,

Uye handingakuremedziyi.

8Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa,

Ndakanzwa izwi ramashoko enyu, richiti,

9“Ndakanaka, handina kudarika;

Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;

10Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni,

Anonditi muvengi wake.

11Anomana makumbo angu mumatanda,

Anocherekedza nzira dzangu dzose.”

12Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu

ichi hamuna kururama,

Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.

13Munorwireiko naye?

Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.

14Nokuti Mwari anotaura kamwechete,

Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.

15Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku,

Kana munhu abatwa nehope kwazvo,

Kana avete panhoo;

16Ipapo unodziura nzeve dzavanhu,

Nokusimbisa kurairwa kwavo,

17Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa,

Nokuvanzira munhu kuzvikudza;

18Kuti adzore mweya wake pagomba.

Hupenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.

19Unorangwawo achirwadziwa panhoo yake,

Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake;

20Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya,

Nomwoyo wake zvokudya zvinonaka.

21Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi,

Mapfupa ake, akanga asingaonekwi,

anobudira kunze.

22Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba,

Nohupenyu hwake kuvaparadzi.

23Kana mutumwa akasvika kwaari,

Ari mushanduri, mumwe pakati

pavane zviuru zvamazana,

Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;

24Mwari akamunzwira tsitsi, akati,

“Murwirei arege kuburukira kugomba,

Ndawana dzikinuro.”

25Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana;

Achadzokera kumazuva ouduku hwake.

26Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira;

Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro;

Akadzosera munhu kururama kwake.

27Uchaimba pamberi pavanhu, achiti,

“Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama,

Asi hazvina kundibatsira;

28Iye akarwira mweya wangu urege

kuburukira kugomba,

Hupenyu hwangu huchaona chiedza.”

29Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose,

Kaviri kana katatu nomunhu,

30Kuti adzose mweya wake pagomba,

Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.

31Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei;

Nyararai, ini nditaure.

32Kana mune shoko rokureva, ndipindurei;

Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai.

33Kana musingadi, nditeererei;

Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help