Ezekieri 35 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Edhomu richaparadzwa

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kugomo reSeiri, uporofite pamusoro paro,

3uti kwariri, zanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakuita dongo nechishamiso.

4Ndichaparadza maguta ako, iwe uchava dongo; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha.’

5“Nokuti wakavenga vana vaIsiraeri nokuvenga kusingaperi, ukavaisa pasimba romunondo nenguva yenjodzi yavo, nenguva yezvakaipa zvokupedzisira;

6naizvozvo noupenyu hwangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakugadzirira ropa, ropa richakuteverera; zvausina kuvenga ropa, ropa richakuteverera.

7Saizvozvo ndichaita gomo reSeiri chishamiso nedongo; ndichaparadza mariri vanofamba napo navanodzoka napo.

8Ndichazadza makomo aro navanhu varo vakaurayiwa; muzvikomo zvako nomumipata yako napahova dzako dzose ndipo pachawa vakauyirawa nomunondo.

9Ndichakuita dongo nokusingaperi, maguta ako haangagarwi; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.

10“Zvawakati, ‘Marudzi awa maviri nenyika idzi mbiri zvichava zvangu, zvichava nhaka yedu, kunyange Jehovha akanga aripo;’

11naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichaita zvakafanira kutsamwa kwako, uye zvakafanira godo rako rawakavaitira nokuvenga kwako; zvino ini ndichazvizivisa pakati pavo, kana ndichikutonga iwe.

12Iwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, ‘Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.’

13“Makazvikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndazvinzwa.

14“Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Kana nyika yose ichifara, ndichakuita iwe dongo.’

15Sezvawakafara pamusoro penhaka yeimba yaIsiraeri, nemhaka yokuti yakaitwa dongo, saizvozvo ndichakuitirawo; uchava dongo, iwe gomo reSeiri, neEdhomu rose, izvo zvose zvaro; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help