Isaya 31 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Ijipiti haingabatsiri, asi Jehovha

1Vane nhamo vanoburukira Ijipiti kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha.

2Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa.

3Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa noanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.

4Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, “Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namazwi avo, haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZioni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.

5Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura.”

6Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vana vaIsiraeri.

7Nokuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri.

8Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo.

9“Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza,” ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZioni, nechoto chake paJerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help