1Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasine chigaro choushe, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi unoundere nechidikanwa.
2Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, bvisa nguo yako yakareba fukura gumbo rako, yambuka nzizi.
3Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu.
4Mudzikinuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene waIsiraeri.
5Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi Vahosi hwoushe huzhinji.
6Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako; iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana.
7Ukati, “Ndichava vahosi nokusingaperi;” naizvozvo hauna kufunga zvinhu izvi, hauna kurangarira kuguma kwazvo.
8Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unongorangarira zvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumwoyo mako “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.”
9Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
10Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, “Hakuna anondiona;” wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumwoyo mako, “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.”
11Naizvozvo zvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.
12Zvino uya nouroyi hwako noun'anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungakunda.
13Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.
14Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya, kana moto ungagotwa.
15Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashaikwa anokuponesa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.