Muparidzi 8 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Vabati vanofanira kutererwa

1Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.

2Ndinoti, “Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.”

3Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda.

4Nokuti shoko ramambo rine simba; ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”

5Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; mwoyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.

6Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza;

7nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?

8Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.

9Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.

Mubayiro wavakarurama navasakarurama

10Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.

11Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.

12Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;

13asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.

14Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, “Naizvozvi hazvina maturo.”

15Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.

16Zvino ndakati ndichirangarira nomwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati nohusiku),

17ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help