Habhakuki 1 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

VaKaradhea ishamhu yaJehovha

1Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuki.

2“Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.

3Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.

4Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.

5“Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo-kwazvo; nokuti ndinobate basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.

6Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.

7Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.

8“Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.

9Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.

10“Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.

11Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo.

Muporofita anokumbirira vaJudha

12“Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombo, makavaisapo kuti varange,

13Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;

14muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?

15“Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vano mufaro.

16Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.

17“Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help