Mapisarema 5 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anokumbira kuti afambiswe zvakanaka pakati pavavengi vakeKumutungamiriri wenziyo; nenyere. Pisarema raDhavhidhi.

1Inzwai mashoko angu, Jehovha,

Rangarirai kufunga kwomwoyo wangu.

2Teererai izwi rokuchema kwangu,

imi Mambo wangu, naMwari wangu;

Nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3Jehovha, muchanzwa izwi rangu mangwanani;

Mangwanani ndichakurongedzerai

munyengetero wangu, ndichirindira.

4Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa,

Munhu, akashata, haangagari nemi.

5Munhu, anozvikudza, haangamiriri pamberi penyu;

Munovenga vose vanoita zvakaipa.

6Muchaparadza vanoreva nhema;

Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.

7Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu

nokuwanda kwounyoro hwenyu,

Ndichanamata ndakaringira kutemberi

yenyu tsvene ndichikutyai.

8Ndifambisei, Jehovha, mukururama

kwenyu nokuda kwavavengi vangu;

Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.

9Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo;

Mukati mavo makashata-shata;

Huro dzavo hwiro hwakashama;

Vanobata kumeso norurimi rwavo.

10Muvapei, mhosva, Jehovha;

Ngavawe namano avo;

Muvadzinge nokuda kwokuwanda

kwokudarika kwavo;

Nokuti vakakumukirai.

11Asi vose vanovimba nemi ngavafare,

Ngavadanidzire nomufaro nguva

dzose, nokuti imi munovadzitira;

Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.

12Nokuti mucharopafadza akarurama;

Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhoo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help