Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Ndiri ruva rebundo rokuSharoni,

Ndiri ruva rokumapani.

2Seruva pakati peminzwa,

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu

pakati pavakunda.

3Somuapuri pakati pemiti yokudondo,

Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana.

Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru;

Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu.

4Akandiisa kuimba yomutambo;

Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.

5Nditsigirei namadzambiringa akaomeswa,

ndisimbisei namaapuri;

Nokuti ndinorwara norudo.

6Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu;

Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.

7Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu,

Nemharapara nenondo dzokubundo,

Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo,

Kusvikira irwo rwada rumene.

8Inzwai izwi romudiwa wangu!

Tarirai, wouya,

Achikwakuka pamakomo,

Achichirika pazvikomo.

9Mudiwa wangu akafanana nemharapara

kana nomwana wenondo;

Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu;

Anotarira napamawindo;

Anodongorera napazvitanda zvamawindo.

10Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri,

“Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!”

11Nokuti, tarira, chando chaenda;

Mvura yapera, yaenda;

12Maruva aonekwa panyika;

Nguva yokurira kweshiri yasvika,

Nezwi renjiva rinonzwika panyika yedu.

13Muonde woibvisa maonde awo mambishi,

Uye midzambiringa yotunga maruva;

Yobudisa kunhuwira kwawo;

Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu huya!

14Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo,

Pakadzitika pamawere;

Ndione chiso chako,

Ndinzwe izwi rako;

Nokuti izwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.

15Tibatirei makava, makava maduku,

Anotadzira minda yemidzambiringa;

Nokuti minda yedu yemidzambiringa yotunga maruva.

16Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake;

Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.

17Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza,

Tendeuka, mudiwa wangu, uve

semharapara nomwana wenondo

Pamusoro pamakomo eBheteri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help