VaKorose 4 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemiwo muna Ishe kudenga.

Nyengeterai, muchenjere pamufambiro wenyu namashoko enyu

2Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;

3mutinyengeterere nesuo kamwe, kuti Mwari atizarurire musuo weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;

4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.

5Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu.

6Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.

Anotuma Tikiko naOnesimo

7Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri akatendeka, nomuranda pamwechete neni muna Ishe.

8Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze mwoyo yenyu;

9pamwechete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.

Kuonekana

10Arisitakusi, musungwa pamwechete neni, anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi, mumugamuchire;

11naJesu, anonzi Jusuto, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni paushe hwaMwari, ivo vakandinyaradza.

12Epafirasi; mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, anokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari.

13Nokuti ndinomupupurira, kuti anotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodhikia, naveHerapori.

14Ruka, n'anga inodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai.

15Ndikwazisirei hama dziri Raodhikia, naNimifa, nesangano riri mumba mavo.

16Kana tsamba iyi yarawa pakati penyu, ngairawewo musangano ravaRaodhikia; imiwo murave tsamba inobva Raodhikia.

17Udzai Arikipo muti, “Tarira basa rawakapiwa naIshe, kuti uripedzise kwazvo.”

18Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help